Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti Havazivi Mashandisirwo Achaitwa Michina Mitsva yeBVR


Ma BVR akashandiswa kunyoresa vavhoti kuKenya
Ma BVR akashandiswa kunyoresa vavhoti kuKenya

Apo mapato anopikisa ari kunetsana neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, vachiti inofanirwa kuvandudzwa isati yatanga hurongwa hwekunyoresa vanhu kuvhota pachishandiswa michina yechizvino zvino, ye Biometric Voter Registration, BVR, veruzhinji vanoti havasi kuziva kuti ma BVR aya achashandiswa seyi.

Nyanzvi munyaya dzezvesarudzo nematongerwo enyika dzinoti ichokwadi kuti hapana ruzivo munyika pamusoro pehurongwa hweBVR.

Vane ruzivo vanoti BVR zvinoreva kunyoresa vanhu pachishandiswa mitezo yavo yakaita semifananidzo yavo, kana mitezo yavo yakaita sezvigumwe nezvimwe izvo zvinoiswa muma computer zviine nhamba dzako dzechitupa, gwaro rekuberekwa, nhamba dzako dzenhare mbozha, kero yepaunogara nezvimwe.

Muzvare Maureen Kademaunga vesangano reWomen For Women vanoti vari kuzviona mubasa ravo kuti hapana ruzivo rwakakwana pamusoro peBVR.

Vanoti vazhinji vanofunga kuti BVR ichashandiswa pakuvhota sezvo vasingazive kuti ichashandiswa pakunyoresa chete.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaVivid Gwede, vanoti nyaya yeBVR haisi kunzwisisika kunyange nevezvematongerwe enyika pachavo, kusanganisirawo veZEC vacho.

Asi vanoti izvi zvinotarisirwa pese panotangwa kushandiswa chinhu chitsva.

Mumiriri weMutasa South mudare reNational Assembly, VaTrevor Saruwaka, vanoti kunyange hazvo pasina ruzivo rwakanyaya pamusoro peBVR pari zvino, vatotanga kudzidzisa vanhu pamusoro pezvenzira iyi.

Sachigaro wevechidiki muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaHappymore Chidziva, vanoti vave kutodzidzisa nhengo dzavo pamusoro peBVR.

VaChidziva vanoti BVR ine zvakawanda zvakanaka kudarika nzira dzaishandiswa musarudzo dzapfuura dzakaita sekuti gwaro revavhoti rinenge risisina vanhu vakafa.

Asi vachitaura nevatori venhau pamusoro peBVR pamusangano uchangobva mukuitwa nguva pfupi yapfuura, mumwe mukuru anoona nezvekufambiswa kwesarudzo musagano reElection Resource Centre, VaSolomon Bhobosibunu, vanoti zvakakosha kuti vanhu vazeye kuti chii chakakoshera kana kushatira BVR vasati vangomhanyira kushandisa nzira iyi.

Vanoti nhaurirano dziri kuitika munyika dzinoratidza kuti hapana ruzivo rwakwana.

Panyaya yemutauro uripo wekuti sei hurumende yave kuti yave kuda kutenga michina yeBVR asi iyo yakambenge yati haina mari, VaGwede vanoti izvi zvinotyisa nekuti ani nani anenge atenga michina iyi anogona kuva nesimba pamichina iyi.

Pari zvino mapato ezvematongerwo enyika neZEC vakabvumirana kuti vashandise BVR asi izvi hazvisati zvave pamutemo wesarudzo uye mutungamiri wenyika ane mvumo yekudoma nzira inoshandiswa kuvhota.

Nzira iyi yakashandiswa musarudzo kunyika dzakaita seGhana, Nigeria neKenya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG