Accessibility links

Breaking News

Mhuri yeZimbabwe iri muAmerica neDzimwe Nyika Inochema Kushaya kwaSekuru Crispen Masuka


Sekuru Crispen Masuka vakashaya vave nemakore makumi manomwe nerimwe ekuberekwa.
Sekuru Crispen Masuka vakashaya vave nemakore makumi manomwe nerimwe ekuberekwa.

Mhuri yeZimbabwe iri muAmerica nedzimwe nyika iri kuchema zvichitevera kushaya kwaSekuru Crispen Masuka mushure mekurwara negomarara kwemakore akawanda.

Sekuru Masuka vakashaya musi wa8 Gunyana unove mwedzi uno kuPennsylvania muAmerica vave nemakore makumi manomwe nerimwe ekuberekwa..

Sekuru Masuka, avo vaive zvakare mufundisi, vaizivikanwa zvakanyanya nekubatanidza vana veZimbabwe vari kunze kwenyika kuburikidza neshoko raMwari,pamwe nemabasa avo ekubatsira vanotambura.

Sekuru Masuka vakaberekwa musi wa 25 Gumiguru 1948 kwaSeke vakadzidza pazvikoro zvinoti Dzumbunu kwakare kwaSeke, George Stark kuMbare, pamwe neHarare Polytechnic.

Pakati pa1974 na1978 vakashanda mukanzuru yeguta reSalisbury, iro rave guta reHarare, umo vakashanda nevechidiki vakawanda zvikuru mumusha weMufakose paArea E Youth Club, uko vakabatsira kusimudzira vechidiki vakawanda, vanosanganisira vatambi venhabvu vakazoita mukurumbira munyika.

Vakamboshandawo zvakare mumatura emabhuku, kana kuti ma library, ekanzuru yeHarare pakati pa1979 na1981 vachishandira mumisha yeveruzhinji yeHighfield, Mabvuku, Mbare neMufakose, vasati vasiya basa muna 1981.

Pamabiko ekuwana kuzvitonga kuzere kweZimbabwe muna 1980, Sekuru Masuka, kuburikidza nekambani yavo yekutora mifananidzo yeFOTO-WIZARD, vakave mumwe wevatori vemifananidzo vakashongedza chiitiko ichi vachitora mifananidzo, uye vakawanawo mukana wekutorwawo mufananidzo vaine muimbi wemusambpo we reggae ane mukurumbira pasi rose, mushakabvu Bob Marley wekuJamaica, uyo akauya kuzoridza munyika.

Sekuru Masuka vakashandawo semutori wemifananidzo wevaive mudzimai wemutungamiri wehurumende panguvayo vakazove mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe, Amai Sally Mugabe, avo vakashayawo zvakare.

Semunhu aifarira nhau yekudzidza, mugore ra1985 Sekuru Masuka vakadzokera kuchikoro, rwendo rwuno vachienda kuSouth Africa uko vakanopinda pachikoro cheApostolic Faith Mission vachiita zvidzidzo zvechifundisi.

Vazoenda kuAmerica uko vanoenderera mberi nezvidzidzo zvavo, rwendo rwuno vachiita zvidzidzo zvepamusorosoro zvedhigirii reSociology nePsychology pachikoro chepamusorosoro che Immaculate University chiri kudunhu rePennsylvania.

Muna Mbudzi wegore ra2010, Sekuru Masuka vakabatsirawo kuumba chirongwa chekunamata padandemutande, chinonzi “Church Without Walls”, kana kuti chechi isina madziro.

Mudzimai waSekuru Masuka, Ambuya Irene Masuka, vanoti mhuri yeZimbabwe yarasikirwa zvikuru sezvo Sekuru vaizivikanwa nekubatsira vamwe, vangave vehukama, vavakidzani, vavainamata navo kunyange vanhu vavaisaziva.

"Ndakambotaura ndichivafananidza naSocrates. Socrates aibatsira vanhu vakawanda zvikuru. He was a philosopher. Nanhasi ari kutaurwa nezvake muma college, muma university. Asi panguva iyoyo vanhu vaimutaura kuti he was a stinger, that bee inoruma ma horse. Eeh, Baba Masuka vakanga vakafanana naiyeye," vanodaro Mbuya Masuka.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kwakare kuPennsylvania, VaNick Murozvi Mada, vanove munin'ina waSekuru Masuka, vakaudza Studio 7 kuti vakarasikirwa zvikuru nekushaya kwemukoma wavo, vachiti chinhu chikuru chavaakadzidza kubva kuna Sekuru masuka ndechekuti vairemekedza zvikuru madzimai.

Vamada vanoti vanokoshesa zvikuru rurekedzo rwavaipiwa naSekuru Masuka uye kudzidziswa magariro nevamwe zvekuti vaiti kana mudunhu ravo makawirwa nenhamo vaivafonera pamwechete nevamwe vechidiki vachitumwa mabasa ekuita pamwe nekurairwa sevanin'ina vavo.

Mbuya Masuka vanoti Sekuru Masuka vari kutarisirwa kunoradzikwa kuZimbabwe kumusha kwavo kwaSeke, kunyange hazvo zuva rekuradzikwa kwavo risati ratarwa.

Sekuru Masuka vakasiya mudzimai wavo Mbuya Masuka pamwe nevana vana vanoti Taurai, Gregory, Simbirai naChipo, uye vazukuru vana.

Hurukuro naMbuya Irene Masuka
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG