Accessibility links

Breaking News

Vatenderi Vanounga muHarare Vachicherechedza Zuva reKufa kwaJesu Kristu


Easter - Catholics
Easter - Catholics

Kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyika munyaya dzehupfumi, vatenderi vechiKristu vari kuungana munzvimbo dzakasiyana munyika vachirangarira zuva rekuroverwa pamuchinjikwa kwaJesu Kristu pamwe nekufira kwaakaitira zvivi zvavo.

Vatenderi vesvondo yeRoman Catholic yeUganda Matyrs muHarare vafamba nemigwagwa vatakataura chipiyaniso vasati vaenda kuchechi yavo kunoita munamato weGood Friday.

Mumwe mutenderi, Amai Eugania Phiri, vaudza Studio 7 kuti nhasi izuva rakakosha zvikuru sezvo ndipo apo Jesu akafa akaenda nezvivi zvevanhu vese.

Mumwe wechidiki apinda mumunamato waitwa muHarare, Abraham Moyo, anoti ari kufara zvakanyanya nhasi nekuti ndiro zuva musiki vakaratidza rudo rwavo rukuru kuvanhu vese.

Reverand Sam Malunga, veTehillar Christian Network, vaudza Studio 7 kuti vatendenderi vemachechi mashanu ari pasi pemubatanidzwa uyu vakaungana kuMelfort uko vari kunamata vachicherechedza kuroverwa pamuchinjikwa, kufa nekumuka kwaJesu Kristu.

VaMalunga vanoti vafara kuti vatenderi vauya nehuwandu hwavo kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyika.

Asi Pastor Cover Mugwadi vesvondo yeChrist Life Church vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo Good Friday riri zuva rakakosha sezvo riri zuva rakaunza ruponeso nekuregererwa kwevatenderi vechiKristu, nhengo zhinji dzesvondo yavo dzatadza kuenda kugagano resvondo yavo rekucherechedza zuva iri kwaChivi kuMasvingo nekuda kwekuoma kwezvinhu.

Vatenderi kubva kumachechi akawanda vanoungana vachinamata kutanga nhasi kusvika musi weMuvhuro pao vanopemberera kumuka kwaJesu mukufa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG