Accessibility links

Breaking News

Madzishe Oramba Achityora Mitemo yeNyika Uye Kuzvidza Mitongo yeMatare


Zimbabwe-traditional-chiefs-

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti ari kushushikana nemaitiro emadzishe nemasabhuku emudunhu reMasvingo ayo ari kuramba achizvidza mitongo yematare edzimhosva inoarambidza kupindira mune zvematongerwo enyika.

Madzishe nemasabhuku aya anonzi ari kuudza vanhu kumaruwa kuti vavhotere mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa mwedzi unouya.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muCommunity Tolerance and Reconciliation Development, VaBrighton Ramusi, vanoti sangano ravo riri kugashira zvinyunyuto zuva nezuva kubva kunzvimbo dzakaita se Zaka, Chivi, Mwenezi, Bikita neGutu.

VaRamusi vanoti zviri kuitwa nemadzishe izvi kuzvidza dare redzimhosva, uye zvinoratidza kuti munyika mune vamwe vasingatevedzeri mutemo uye pasina zvavanoitwa.

Nhengo yeMasvingo Women’s Forum, Amai Sungano Zvarebwanashe, vanoti zviri kuitwa nemadzishe zvinobudisa pachena kuti sarudzo hadzisi kuzoitwa zvakasununguka sezviri kuvimbiswa nemutungamiriri wenyika.

Dare repamusoro rakapa mutongo kaviri mwedzi wapfuura kumutungamiri wemadzishe munyika, Ishe Fortune Charumbira, kuti vasapindire mune zvematongerwo enyika uye vakapihwa mazuva manomwe ekuti vakumbire nyika ruregerero mumapepa nhau.

Asi VaCharumbira, avo vakange vabuda pachena pane mumwe musangano kuti madzishe achatsigira Zanu PF pasarudzo dzegore rino, havasati vakumbira ruregerero nanhasi.

VaCharumbira vakange vaendeswa kudare repamusoro nemutungamiri wemubatanidzwa we Coaliton of Democtrats, VaElton Mangoma, pamwe nesangano rinoona nezvesarudzo rakazvimirira re Elections Resource Centre.

Gweta rinoshandira muMasvingo, VaOmen Mafa, vanoti hapana munhu ari pamusoro pemutemo munyika, kusanganisira mutungamiri wenyika, nokudaro madzishe anozvidza dare anofanirwa kusungwa oendeswa kujeri.

Mutungamiriri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vabudawo vachinyutira VaCharumbira nemadzishe kuburikidza nemashoko aivaisa pa Twitter, vachiti VaMnangagwa havana kusiyana nevaimbove mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, avo vanoti vaizvidza mitongo yematare edzimhosva.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remadzishe pamwe nemasabhuku panyaya iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG