Accessibility links

Breaking News

Genius "Ginimbi" Kadungure Anoradzikwa Kumusha Kwake kuDomboshawa


Genius Kandungure burial
Genius Kandungure burial
Zimbabwwans mourn Genius Kadungure
Zimbabwwans mourn Genius Kadungure

Muzvinabhimisi wechidiki ange aine mukurumbira munyika, Genius "Ginimbi' Kadungure, aradzikwa zvine mutsindo pamba pake kuDomboshawa pachiitiko chapindwa nezviuru zvevanhu kubva kumativi mana enyika.

Kunyange hazvo paine mutauro wekuti mufi, uyo aive nebhizimisi rekutengesa gasi, rekutakura zvinhu pamwe nzvimbo yekuchengeteda zvinhu zvevanhu, aita bhizimisi rake zvisina kujeka, hama neshamwari nevashandi vemufi vatsanagura Kadungure semunhu aishanda nesimba vachiti ndozvakaita kuti abudirire muhupendyu hwavo.

Zimbabweans mourn Genius Kadungure
Zimbabweans mourn Genius Kadungure

Imwe yehanzvadzi dzake, Juliet ati mufi, uyo aive nezita remadunhurirwa rekuti Ginimbi, akatanga kutsvaga mari achiri mwana mudiki zvekuti dzimwe nguva aitoba shuga kumba kuti anoitengesa kuti awane mari.

Atiwo hanzvadzi yake yaive munhu aibatsira mumhuri pamwe nemumusha zvekuti kufa kwake kwavasiya vari pamhene.

Shamwari dzaKadungure pamwe nasekuru vake, VaKen Mubaiwa, dzatsanangura mufi semunhu aishanda zvakasimba uye aiita zvese zvaikwanisa kuti awane mari.

Genius Kandungure burial
Genius Kandungure burial

VaMubayiwa vatiwo havasi kufara nekuti vanhu vari kutaura zvakawanda zvekuti muzukuru wavo aiita chitsotsi nekushandisa nzira dzisna kujeka kuwana mari vakati vanhu vanofanira kushanda nesimba kuti vabudirire kwete kutaura manyepo pamusoro pemufi.

VaMubaiwa vashorawo zviri kubuda pamadandemutande pamusoro pemuzukuru wavo.

Imwe shamwari yaKadungure yatiwo inoziva mufi semunhu aishanda nekufara zvakasimba akati manyepo anotaurwa nevanhu kuti mufi aishandisa mushonga kuita mari.

Kadungure akafa neSvondo mutsaona yemotokari pamwe neshamwari dzake Limbumba Karim wekuMalawi, Maona kana kuti Michelle Amuli naElisha wekuMozambique..

Hama dzevatatu ava, avo vakatsva zvakaipisisa zvekutadza kuzvikanwa dzange dziripo parufu rwaKadungure uye dzati vachavigwa kana ongororo iri kuitwa nemapurisa yapera.

Kadungure, uyo anonzi aimhanya zvakanyanya apo akaita tsaona, akashaya aive nemakore makumi matatu nematanhatu ekuberekwa.

Kadungure, uyo aifamba nemota yeRolls Royce Wraith apo akashaya, anonzi munhu aizivikamwa nenyaya dzekumhanya pamugwagwa.

Kadungure anga ane bhizinesi rekutengesa gasi, achishandisa kambani yake yePioneer Gases, iyo iri pasi pekambani yake yakanyoreswa kuSouth Africa, yePiko Trading Group.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG