Accessibility links

Breaking News

Zvechitendero

‘‘Satanism’ Ndeye Zvenyama, Kwete Mweya’ – Rev Forbes Matonga

Reverend Forbes Matonga

Kunamata dhiabhorosi, kana kuti satani, kunonzi kwave kuitwa zvakanyanya izvo zvave kukonzera kunetseka kwevabereki vazhinji vatyira vana vavo.

Vanhu vanonzi ma ’satanists’, avo vanopira kuna satani, vanonzi vari kushanda nesimba kutora vanhu kubva kumakereke vachivapinza mukunamata satani.

Mufundisi Forbes Matonga vanotipa nhoroondo yekutanga kwakaita kunamata satani, vachiti hachisi chinhu chitsva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:10:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

See all News Updates of the Day

‘Mwari Haakonzeri Kana Kubvumidza Matambudziko Edu’ – Mufundisi Johannes Gumbo

Senior Pastor, Doctor Johannes Gumbo, veShephard House United Methodist Church, muDurham, North Carolina, vanoti mukuwoma nemukunaka kwezvinhu, Mwari anenge aripo.

Mufundisi Gumbo vanoti zvinhu zvirikuitika munyika mazuva ano zvinogona kukanganisa mafungiro evanhu uye zvinogona kuvabvisa mukuona hunako hwaMwari.

Mufundisi Gumbo vanoti kana vanhu vasvika pakuomerwa, vanogona kunetseka mupfungwa dzavo, vachizvibvunza kuti sei zvinhu zvakaoma kudaro zvichiitika kwavari.

Vanoti Mwari haasi iye anounza kwatiri zvinhu zvakaipa kana zvakatiomera, vachiti Mwari aripo nguva yese zvayo patinenge tichida rubatsiro rwake.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

“Ino Ndiyo Nguva YeVaKristu Yekuratidza HuKristu Hwavo” - Bishop Chad Gandiya.

Bishop Chad Gandiya

Bishop Nicholas Chad Gandiya vanoti hapana nguva inopfuura sazvino kuti vaKristu varatidze huKristu hwavo.

Bishop Gandiya vanoti Covid-19 haikwanisi kuregesa vaKristu kuita zvechitendero chavo, vachiti kunyange parizvino vanhu vasingaungani pamwe chete semakore ose, Covid-19 haikwanisi kuchinjisa vaKristu netsika dzavo kubva mukuita zvavanofanirwa kuita sevatendi.

Vanoti kubatsirana panguva inogozha iyi, ndiko kunoratidza kudzama kwe chiKristu chiri muvanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica Zvoyeuka Mumatari Bernard Mizeki Nemusi weMugovera

Father Noboth Manzongo

Zvizvarwa zveZimbabwe zvechitendero cheAnglican zviri muAmerica nemu Canada zvaronga mhemberero huru yekuyeuka Mumatari Bernard Mizeki nemusi weMugovera, 20 Chikumi.

Mhemberero iyi, ichave yekutanga kuitwa nevatendi ve Anglican veZimbabwe vanogara mu America nemu Canada.

Bernard Mizeki, uyo akafa muna 1896, ndiye munhu wekutanga muZimbabwe kuurayirwa chitendero chake apo akange achiita basa rekereke kwaMangwende, kuMarondera.

Mufundisi Naboth Manzongo veku Ontario, kuCanada, vanoti vanotarisira mhemberero huru sezvo vazhinji vange vakamirira nhembereo iyi; vanoti zvekare, pane pfungwa dzekuita mhemberero iyi gore rega rega.

Father Manzongo vazivisa kuti vanhu vanokwanisa kupinda mumhemberero iyi padandemutande re’Zoom’ nemusi weMugovera nenguva dza 1 o’clock masikati (EST) mu America, inove 7pm kuZimbabwe uye 6pm kuUnited Kingdom. Nhamba yemusangano uyu, kana kuti Meeting ID ndi: 774 010 8959. Kupinda mumhemberero iyi, endai pa:
‪https://us02web.zoom.us/j/7740108959‬. Kuwana nhamba yekufona kwamunenge muri, endai pa: ‪https://us02web.zoom.us/u/kdoOctwkfR

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

'Vanhu Vari Kubatsirana Panguva Ino; Zvirambe Zvakadaro' - Mufundisi Oliver Mandisodza

Rev Oliver Mandisodza

Mufundisi Oliver Mandisodza, veMen of Valour, Purpose and Vision Men’s Ministry, vanoti kereke yavo nevatenderi vavo vakagara vachishandisa madandemutande echizvino zvino kana kuti ‘social media’ mukuparadzira shoko raMwari nekutaurirana nevatendi vavo.

Vanoti vatenderi vekereke yavo vanonzwisisa uye vanotevedzera zvirongwa zvekuti vanhu vasaungana panguva ino yekurwisana nechirwere checoronavirus.

Mufundisi Mandisodza vanoti kunyange hazvo shoko raMwari risina zvinoridzivirira, vanhu vanofanirwa kuita zvavanoudzwa kuti vaite nehurumende dzavo.

Vanoti vatendi vavo vari kuenderera mberi muminamato yavo nemune zvese zvavanofanirwa kuita mukereke asi vachiitawo zvinokurudzirwa nevezvehutano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG