Accessibility links

Breaking News

Zupco Inowana Mamwe Mabhazi Matsva Makumi Mashanu


Mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vaparura mabhazi matsva makumi mashanu ayo achange achishandiswa ne Zupco kutakura vanhu.

Vachitaura pakuparurwa kwemabhazi aya muHarare, Mnangagwa vati Zupco yava nemabhazi mazana maviri negumi nemaviri, vakatiwo hurumende ichaenderera mberi ichisimbaradza kutakurwa kwevanhu kwakanaka kuburikidza nekuwanisa veruzhinj nemabhazi akachipa mumigwagwa.

VaMnangagwa vakurudzira vakuru vakuru veZupco pamwe nevashandi vayo kuti vabate zvakanaka mabhazi aya.

Gurokota rezvekufambiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati hurumende iri kutarisira kuunza mamwe mabhazi achashandiswa kumaruwa kuitira kuti vanhu vasanetsekane nechekufambisa.

Amai Mutsvangwa vatiwo mabhazi aya achabatsira vanhu vazhinji uye achabatsirawo pachirongwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 sezvo mabhazi eZupco achitevedzera hurongwa hwekuchenesa mabhazi vanhu vasati vakwira mabhazi aya, pamwe nekutora temperature yemunhu wese asati apinda mumabhazi aya kuitira kuti vanhu vasatapurirane chirwere cheCovid-19.

"Chirongwa chanhasi chafamba zvakanaka chose uye Zupco ichange iine mamwe mabhazi achauya munyika achashandiswa kutakura vanhu kumaruwa munguva inotevera," vadaro Amai Mutsvangwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG