Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuita Nhaurirano neVedzimokari Pamusoro peKushandiswa kweMasipaiki neMapurisa


MaCombi paCopacabana, Harare
MaCombi paCopacabana, Harare

Sangano reZimbabwe Union of Drivers and Conductors (ZUDCO) rinoti hurumende inofanirwa kugara pasi navose vane chekuita nezvekutakurwa kwevanhu munyika kuitira kuti pave nechisungo chinochengetedza hupenyu hwevanhu huri kuiswa munjodzi nemapurisa ari kushandisa zvipikiri kumisa motokari dzinenge dzakatakura vanhu.

Sangano iro rinoti kunyange hazvo paine mutongo wakapihwa nedare svondo rino unopa mapurisa mvumo yekushandisa masipaiki aya, chokwadi chiripo ndechekuti hupenyu hwevanhu vanenge vari mumakombi ndihwo huri kuiswa munjodzi, nokudaro panofanirwa kuva nehurukuro dzakasimba pamusoro pedambudziko iri.

Richipa mutongo panyaya yePassenger Association of Zimbabwe (PAZ), dare repamusoro rakati kushandiswa kwemasipaiki nemapurisa kuri pamutemo.

PAZ yakanga yaendesa mapurisa kumatare ichiti kukandwa kwezvipikiri izvi pasi pemotikari dzakatakura vanhu kunoisa hupenyu hwevanhu munjodzi, naizvozvo kunofanirwa kumiswa.

Mutungamiri weZimbabwe Union of Drivers and Conductors, VaFredrick Maguramhinga, vaudza Studio 7 kuti nyaya huru apa ndeyekuchengetedza hupenyu hwevanhu, kunyange hazvo sangano ravo richiremekedza mitongo yematare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri webazi rezvekutakurwa kwezvinhu, Engineer Thedius Chinyanga, vaudza Studio 7 kuti mitemo yekushandiswa kwemasipaiki iripo nechakare uye vatyairi vose vanodzidziswa mitemo iyi vasati vapiwa marezenisi ekutyaira motikari, naizvozvo havaoni paine chikonzero chekuedza kukurukura kuti mitemo ichinjwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG