Accessibility links

Breaking News

Sangano reVatyairi Rinotenda Hurumende Mukuedza Kugadzirisa Zvichemo Zvaro neSouth Africa


Sangano rinomirira vanotakura vanhu nezvinhu, reZimbabwe Union of Drivers and Conductors (ZUDCO), rinoti rinofara zvikuru nedanho ratorwa nebazi rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, rakurudzira bazi rekudyidzana nedzimwe nyika kuti ritaurirane nevamwe varo muSouth Africa mushure mekunge South Africa yazivisa kuti vatyairi vekune dzimwe nyika vanoshanda muSouth Africa vanosungirwa kuve nemarezenisi ekutyaira motikari anopiwa nehurumende yeSouth Africa.

Mugwaro ravo kumunyori mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Ambassador James Manzou, munyori mubazi rezvekutakurwa kwezvunhu, Engineer Thadeus Chinyanga, vakakurudzira kuti bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika ritange hurukuro nevamwe vavo muhurumende yeSouth Africa pamusoro penyaya iyi, vachiti mutemo unoda kudzikwa neSouth Africa uyu ungakonzera kusagadzikana muhupenyu hwevatyairi uye unogona kuvhiringa matakurirwo nemafambisirwo anoita zvunhu mudunhu reSADC.

Hurumende yeSouth Africa inonzi iri kuda kudzika mutemo unosungira vatyairi vekune dzimwe nyika vose vanoshanda muSouth Africa kuti vatore marezenisi ekutyaira dzimotikari emu South Africa.

Mutungamiri weZimbabwe Union of Drivers and Conductors, VaFredrick Maguramhinga, vanoti vatyairi havakwanisi kutora marezenisi awa muSouth Africa sezvo pachizodiwa magwaro anoratidza kuti mutyairi uyu anogara nekushanda muSouth Africa zviri pamutemo, izvo zvinoda magwaro, vachiti vatyairi vazhinji vanongotumwa kuendesa zvunhu kuSouth Africa vachidzoka, naizvozvo havana magwaro anovakwanisira kuti vatore marezenisi emuSouth Africa.

VaMaguramhinga vati sangano ravo rinofara nekutenda zvikuru hurumende mukuteerera kwayaita zvichemo zvevatyairi.

Vati, kunyange hazvo pane zvichemo zvizhinji zvinoda kugadziriswa, nhengo dzesangano ravo dzafara kuona kuti hurumende ine chido chekuterera nekuedza kugadzirisa zvichemo zvavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG