Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anonetsana Zvakare neVanotengesera muMigwagwa muGuta reHarare


Mapurisa anonzi anetsana nevanotengesera mumigwagwa mukati meguta zvichitevera danho rekuedza kuferefeta nyaya yekupambwa kwemumwe murume nevanhu vana.
Mapurisa anonzi anetsana nevanotengesera mumigwagwa mukati meguta zvichitevera danho rekuedza kuferefeta nyaya yekupambwa kwemumwe murume nevanhu vana.

Sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga, vanotengesera mumigwagwa yemuguta reHarare nemapurisa eZimbabwe Republic Police vaswera zvakare vachitandanisana, izvo zvinonzi zvaita kuti mapurisa aridze pfuti pamwe nekushandisa hutsi hunokachidza mukuedza kudzikamisa zvinhu.

Mumwe wevanorarama nekutengesera mumigwagwa aona zvichiitika, uyo ati anoda kunzi VaTodzidambura Mhandu, vanoti vashamisika panguva dzemasikati kuona mapurisa achienda pavanoshandira panosangana migwagwa Kwame Nkrumah Avenue naAngwa Street, pedyo nechitoro chinotengesa mishonga cheQV Pharmacy.

VaMhandu vanoti mapurisa aya, ayo anga achitungamirwa nemukuru wemapurisa muHarare, azoedza kusunga mumwe mukomana anotengesa mbatya vasina kana kumbotanga vamuudza mhosva yaapara, izvo zvazoita kuti mukomana uyu arambe kusungwa.

Vanoti izvi ndizvo zvazoita kuti paite mhirizhonga yaunganidza vanhu, zvazoitawo kuti mapurisa aridze pfuti pamwe nekukanda utsi hunokachidza.

Vanotiwo mapurisa aya aenda nembatya dzanga dzichitengeswa nemukomana uyu, dzinosanganisira midhebhe neshangu.

Hurukuro naVaTodzidambura Mhandu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti manyepo kuti mapurisa aridzira vanhu pfuti, vachiti mapurisa anga achitokanganiswa kuita basa ravo mushure mekunge aedza kuferefeta nyaya yekupambwa kwemumwe murume anogadzira pamwe nekutengesa nharembozha nevanhu vana.

Assistant Commissioner Nyathi vanoti mushure mekunge vanotengesera mumigwagwa ava vaungana, mumwe wevanhu ava abva apwanya fafitera rechitoro cheQV uye kuita ruzha nekutuka mapurisa izvo zvazoita kuti mumwe mupurisa azoburidza pfuti yake yebasa achiedza kuvatyisidzira achimirirawo kusvika kwemamwe mapurisa, ayo azodira utsi hunokachidza.

Mutauriri wemapurisa uyu ati mapurisa anga achiri kuferefeta nezvenyaya iyi, sezvo vanhu vapamba murume wemafoni uyu vamumanikidza kuti avabhadhare mari, iyo vanoti yatobva kumba nemudzimai wake.

Assistant Commissioner Nyathi vakurudzirawo veruzhinji kuti vasiyane netsika yekuvhiringidza mapurisa paanenge achiita basa rawo.

Hurukuro naAssistant Commissioner Paul Nyathi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG