Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voshoropodza Mapurisa Mabatiro Akaitwa Doctor Magombeyi

Mapurisa achinetsana navanachiremba vairatidzira vachida kuti Doctor Peter Magombeyi vawanikwe.
Mapurisa achinetsana navanachiremba vairatidzira vachida kuti Doctor Peter Magombeyi vawanikwe.

Vanhu vave nemaonero akasiyanasiyana pamusoro pematanho emapurisa ekuramba kutevera mutongo wedare reHigh Court, munyika inonzi inotevera mutongo wematare edzimhosva.

Vamwe vari kushoropodza mapurisa vachiti kuita uku kunoratidza kuti hurumende ine zvairi kuda kuviga kuti zvisabuda, vamwe wvo vachiti mapurisa akatevera bumbiro remitemo iro rinoti anofanirwa kuchengetedza zvizvarwa zvenyika zvese.

Izvi zvinotevera danho remapurisa nemusi weChipiri rekuramba kutevera mutongo wedare repamusoro wakanga waturwa Justice Happias Zhou, wekuti asarambidze vakafanobata chigaro chemutungamiri wesangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Peter Magombeyi kubuda munyika vachinorapwa kuSouth Africa.

Mukupikisa danho iri, mapurisa akakwira zvakare kudare repamusoro achida kuti risendeke mutongo uyu, asi mutungamiri wevantongi, Justice Chiweshe neChitatu vakatonga kuti mapurisa arege Doctor Magombeyi nekukasika.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology kuSouth Africa, Doctor Ricky Mukonza, vanoti zvanga zvichiitwa nemapurisa panyaya iyi zvekuzvidza mutongo wematare zvinosvibisa chimiro chenyika, panguva iyo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuedza kuvhura mikana yekudyidzana zvakare nenyika dzekunze,

Asi nhengo yeCentral Committee yeZanu PF, VaJoseph Tshuma ,vanoti mapurisa haana chakaipa chaakaita sezvo aichengetedza VaMagombeyi sezvaanokurudzirwa nebumbiro remitemo yenyika, kuchengetedza zvizvarwa zveZimbabwe.

VaTshuma vanoti zvinoshamisa kuti vanhu vanoshoropodza mapurisa vachiti haaite basa nemazvo, asi kana azovedzera mutemo vanhu ivavo voshoropodza zvakare.

Hurukuro naDoctor Ricky Mukonza pamwe naVaJoseph Tshuma
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


This item is part of

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG