Boka reZimbabwe National Statistics Agency, ZIMSTAT, rinoti mumwedzi waNyamavhuvhu mhuri ine vanhu vashanu yaida mari inoita madhora emunyika zviuru zvinomwe nemazana maviri negumi nerimwe kana kuti ZWL$7 211.00 kuti ikwanise kutenga chikafu chemwedzi wose.
ZIMSTAT inoti mhuri yevanhu vashanu iyoyo yaidawo mari inota madhora emunyika zviuru gumi nezvinomwe nemazana maviri nemakumi mana nemana, kana kuti ZWL$17 244 kuti ikwanise kutenga zvese kubva kuchikafu, kubhadhara rendi, kuenda kuchipatara, kukwira mabhazi nezvimwe zvese mumwedzi mumwechete iwoyo kuti ikwanise kurarama.
Muna Chikunguru mhuri iyi yaida madhora emunyika zviuru gumi nezvishanu nemazana mashanu ane makumi manomwe nematatu, kana kuti ZWL$15 573, zvichireva kuti yakakwira nemadhora chiuru nemazana matanhatu nemakumi manomwe nerimwe.
Asi munyori mukuru wesangano revashandi reZCTU, VaJaphet Moyo, vaudza Studio 7 kuti iye zvino mhuri ine vanhu vashanu yave kuda mari inoita madhora emunyika zviuru makumi mana nezvipfumbamwe pamwedzi kana kuti madhora mazana mashanu nemakumi masere kana iri mari yekuAmerica.
Izvi zvinoitika panguva iyo mitengo yezvinhu iri kunzi iri kudzikira.
Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera vanoti nekuda kwekuti mihoro yevanhu vakawanda iri pasi pemari inodiwa kuti mhuri ine vanhu vashanu irarame, vakawanda vanopedzisira voita mamwe mabhindauko ekuraramisa mhuri dzavo.
Facebook Forum