Boka rinounganidza mari dzemitero, reZimbabwe Revenue Authority, ZIMRA, rinoti muchikamu chegore chinopera muna Gunyana rakakwanisa kuunganidza mari inoita $1.28 billion, iyo yakakwira nezvikamu gumi nezvisere kubva muzana kubva pamari yaitarisirwa nebazi iri, iyo yaiita $1.089 billion.
Munyori webazi rezvemari, VaGeorge Guvamatanga, vakazivisa kuti mari yakawanikwa neZimra yakakwira nekuda kwematanho ekurwisana nehuwori, kuwedzera kwekushandiswa kwemakadhi ekumabhanga nemari dzinenge dziri munharembozha, izvo zvakaita kuti vanhu nemakambani vabhadhare mitero yavo.
Asi munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vanotambira nemufaro kukwira kwemari yakapinda muhomwe yeZimra iyi, asi vanoyambira kuti mari iyi inofanirwa kushandiswa zvine hungwaru sezvo hurumende ichizivikanwa nekushandisa mari zvisina maturo.
VaMoyo vanoti hurumende inozivakanwa nekushandisa mari dzemitero kubhadhara nzendo dzevakuru muhurumende kunorapwa kunze mwenyika, asi varombo vachinzi varapwe kuchipatara cheParirenyatwa.
Facebook Forum