Accessibility links

Breaking News

Zimparks Inoti Kunetsana kweVanhu neMhuka Kunogona Kuwedzera Huwandu hweVacharasikirwa neHupenyu


Mutauriri weZimparks, VaTinashe Farawo.
Mutauriri weZimparks, VaTinashe Farawo.

Bazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka reZimbabwe Parks and Management Authority kana kuti Zimparks rinoti vanhu vakawanda vanogona kurasikirwa nehupenyu nekuda kwekunetsana pakati pevanhu nemhuka kunyanya nzou.

Gore rino vanhu makumi mashanu vaurayiwa nemhuka dzemusangano zvikuru nzou idzo vanoti dzawandisa. Gore rapera rose kwakafa vanhu makumi matatu nevasere chete.

Muna Mbudzi gore rapera, nyika dzekuchamhembe kweAfrica dzakarambidzwa kutengesa nzou nebazi reUnited Nations rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka nezvimwe zviwanikwa reConvention on International Trade in Endangered Species of Wild Fauna and Flora kana kuti Cites.

CITES inoti nyanga dzenzou dzikabvumidzwa kutengeswa, mhuka idzi dzinogona kuguma dzatotsakaika pasi rose. Asi nyika dzemuSADC dzinoti nzou dzawandisa mudunhu ravo.

Nyika dzinoti Angola, Botswana, Namibia, Zambia ne Zimbabwe dziri mumubatanidzwa weTransfrontier Wildlife Conservation Area (TFCA) of the Kavango Zambezi kana kuti KAZA dzakambovimbisa kuti dzicharamba kutambira zvisungo zveCITES dzotengesa nyanga asi kusvika parizvino hapana chaitwa.

Nyaya yechirwere checoronavirus chapararira pasi rose chapa kuti vanhu vamire zvekushanya chave kuremerawo Zimparks kuti ichengetedze mhuka.

Mutauriri weZimparks VaTinashe Farawo vaudza Studio 7 kuti dai nyika ichibvumidzwa kutengesa mhuka dzayo kana nyanga dzenzou dai vagari vemunzvimbo dzine mhuka vachikwanisawo kuwana cheuviri kubva kumhuka dzavo, kwete kumbva kune vanoshanya.

VaFarawo vanoti semamiriro azvakaita iye zvino kuti nekuda kwechirwere che Covid-19, hapana vashanyi vari kupinda munyika kubva kutanga kwegore, izvo zviri kushaisa vanogara mumatunhu ane mhuka mari yebudiriro.

Hurukur naVaTinashe Farawu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG