Accessibility links

Breaking News

Zimpapers Yoshorwa neKudzinga Vashandi Mabasa Zvisina Tsarukano


Bepanhau reHerald nderimwe remapepanhau ari pasi peZimpapers.
Bepanhau reHerald nderimwe remapepanhau ari pasi peZimpapers.

Masangano anomirira vatapi venhau munyika anoti haasi kufara nekudzingwa mabasa zvisina tsarukano kweshandi nekambani yeZimbabwe Newspapers uye masangano aya anoti achagara pasi nehurumende nechinangwa chekuti kambani iyi isiye katsika aka.

Masangano aya, ayo ari pasi peMedia Alliance of Zimbabwe anoti anoshushikana zvikuru nekuti vashandi vekambani iyi vatatu vanoti, VaMunyaradzi Huni vanga vari mutevedzeri wemupepeti webepanhau rekambani iyi reThe Sunday Mail, nevamwe vakuru weimwe nhepfenyuro yekambani iyi yeCapiTalk VaNapoleon Nyanhi naMuzvare Ruvheneko Parirenyatwa vakadzingwa mabasa mazuva mashonana apfuura pasina zvikonzero zvakajeka.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuZimpapers panyaya iyi asi vanoziva zviri kuitika vanoti kudzingwa kwevatatu ava kune chekuita nezvematongerwo enyika.

Zvinonzi mashandiro evatatu ava haana kufadza vamwe vakuru vakuru muhurumende.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa muMedia Alliance of Zimbabwe, VaNigel Nyamutumbu, vaudza Studio 7 kuti havasi kufara nemabatirwo akaikaitwa nyaya yevatatu ava.

Vanoti vaitarisira kuti zvinhu zvichashanduka muhurumende itsva yaVaMnangagwa asi hapana chasanduka sezvo vatapi venhau vari kuramba vachidzvinyirirwa.

VaNyamutumbu vakurudzirawo vatapi venhau kuti vaite basa ravo pachena vasina divi ravakarekera uyewo vati makambani ese ezvekutapwa kwenhau anofanira kuvhara kana asingade kuremekedza kodzero dzevatapi venhau dzavanopihwa nebumbiro remutemo wenyika.

Imwe nhengo yebhodhi rinomirira vapepeti venhau munyika reZimbabwe National Editors Forum, VaBarnabas Tondhlana vaudza Studio 7 kuti zvakaitwa nekambani yeZimpapers hazvina kunaka.

Vanoti kunyange mutapi wenhau akakanganisa anofanirawo kubatwa zvine hunhu kwete kubatwa sembwa.

Media Alliance of Zimbabwe inoti zvaitwa neZimpapers zvinoratidza pachena kuti hurumende itsva iyi haina hurongwa hwekuti vatapi venhau vashande vakasununguka uye inoti zvakaoma kuti munhu aite mutapi wenhau muZimbabwe.

Pakapinda VaMnangagwa panyanga muna Mbudzi gore rapfuura Zimpapers yakadzinga vamwe vatori venhau vaifungidzirwa kuti vainge vakarerekera kuvanhu vanonzi ndivo vaifurira vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaita sevaive gurukota rezvedzidzo yepamusoro VaJonathan Moyo.

Nhengo dzesangano reMedia Alliance of Zimbabwe dzinosanganisira masangano anoti Media Monitoring Project Zimbabwe, Media Institute of Southern Africa (Zimbabwe chapter), Zimbabwe Union of Journalists (ZUJ), Zimbabwe National Editors’ Forum (ZINEF), Gender and Media Connect (GMC), the Media Centre, the Zimbabwe Association of Community Radio Stations (ZACRAS), the Voluntary Media Council of Zimbabwe (VMCZ) and the African Community Publishing Development Trust (ACPDT).

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG