Accessibility links

Breaking News

Graça Machel, Mary Robinson Varikuita Musangano Nemadzimai MuHarare Nhasi


Amai Mary Robinson

Amai Graça Machel nevaimbove mutungamiriri we Ireland, Amai Mary Robinson, nhasi vanotarisirwa pamusangano wemadzimai uri kukokerwa nesangano remakereke, reZimbabwe Council of Churches.

Munyori weZimbabwe Council of Churches, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti musangano uyu uchapindwa nemadzimai anoita makumi mana anobva kumasangano akasiyana siyana, kusanganisa vanobva kumabhizimisi, kune zvedzidzo, hurumende zvematongerwo enyika, nekumwe.

Mufundisi Mtata vati iri rinongove danho rimwe chete muzvirongwa zvizhinji zvakanangana nekukurudzira nhaurirano munyika.

Musangano uyu uchaitirwa nhasi,Chishanu, pa Kentucky Airport Hotel uye uchapindwa neavo vakakokwa chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG