Accessibility links

Breaking News

ZIMASCO Yodzinga Mhuri Mudzimba Pamusaka Perendi


Vaive vashandi veZIMASCO vakawanda ndivo vari kugara mudzimba idzi
Vaive vashandi veZIMASCO vakawanda ndivo vari kugara mudzimba idzi

Mhuri mazana maviri nemakumi mashanu dziri kudzingwa mudzimba dzekambani yezvicherwa yeZIMASCO dzadziri kugara nekuda kwetadza kubhadhara mari dzerendi.

Kambani yeZIMASCO yakapa vagari ava magwaro ekuvazivisa kuti vabude mudzimba idzi musi wa31 Zvita gore rapera usati wasvika kana kuti vabhadhare mari dzezvikwereti zverendi dzose.

Asi vagari ava vanoti vakakundikana kubhadhara mari dziri kudiwa nekambani iyi nekuti vazhinji vavo havasevenzi, sezvo vakagumurwa pamabasa nekambani iyi kare.

Vakawanda vevanhu ava vane zvikwereti zverendi zviri pakati pemadhora mazana matanhatu kusvika pachiuru chemadhora. Vagari ava vanobhadhara madhora makumi matatu nemanomwe pamwedzi.

Chiri kushamisa nekurwadza vagari ava ndechekuti mapurisa ekambani yeZIMASCO haasi kuburitsa midziyo yavo panze asi kuti vari kuvharira midziyo iyi mudzimba vachiisa svumbunuro dzavo.

Mumwe wevavharirwa imba ndiAmai Stella Ngandu avo vanoti vakagara paimba yavharwa iyi kwemakore makumi maviri apfuura sezvo murume wavo asina kupihwa mari dzake dzose nekambani yeZIMASCO.

Amai Ngandu vanoti havarambi kuti vane chikwereti cherendi chinosvika mazana masere emadhora asi vanoti havana kwekuenda.

Sachigaro wemadzimai mubato reZanu PF munzvimbo iyi, Amai Edna Chimwanza, vanoti vanzi vabudewo mumba kana vakasabhadhara mari inoita madhora mazana mana sezvo chikwereti chavo chiri chiuru chemadhora.

Asi Amai Chimwanza vanoona ruoko rwezvematongerwa enyika mukudzingwa mudzimba idzi.

Izvi zvinotsigirwa nasachigaro wedunhu reMutorashanga muZanu PF, VaMaricosi Mapuraganda, avo vanoti vanhu vanodzingwa gore rese rinenge riine sarudzo munyika.

VaMuparaganda vanotyira kuti nhengo dzavo dzichatadza kuvhota dzadzingwa.

Asi patabvunza VaMuparaganda kuti sei vachifunga izvozvo sezvo kanzura wenzvimbo iyi iri nhengo yeZanu PF, vati kanzura Amai Ellen Mwachirimba vari kushanda nekambani yeZIMASCO.

Vatiwo Amai Mwachirimba vaitsigira chikwata cheLacoste icho chairwisana neG40 kuti vatore masimba apo vaimbove mukuru wenyika VaRobert Mugabe vakanga vasati vabviswa pachigaro gore rapera muna Mbudzi.

Asi Kanzura Amai Mwachirimba vanoti vanhu vanga vajaira kugara mahara mudzimba dzeZIMASCO vachishandisa zita reZanu PF vachiramba kubhadhara.

Amai Mwachimbira vanoti munhu anofanirwa kubhadhara mari yerendi kana kunotaurirana nevaridzi vedzimba kuti anobhadhara sei.

Mukuru wekambani yeZIMASCO kuMutorashanga, Amai Fadzai Gono, varamba kutaura nevatori venhau vachiti havabvumirwe nemutemo webasa.

Havasi vashandi veZIMASCO chete vari kutarisana nedambudziko iri, sezvo vashandi vemumigodhi vakawanda vari kudzingwa mudzimba dzavaigara vasati varasikirwa nemabasa avo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG