Accessibility links

Breaking News

Ecobank Yokonzera Mutauro Zvopa Kuti Vashandi Varatidzire


Zimbabwe Banks and Allied Workers Union
Zimbabwe Banks and Allied Workers Union

Sangano rinomirira vashandi vemumabhanga, reZimbabwe Banks and Allied Workers Union, (ZIBAWU), rinoti nhengo dzaro dziri kuronga kuratidzira musi wa 13 mwedzi unouya dzichinyunyuta nemabatirwo ari kuitwa vashandi nebhanga reEcobank Zimbabwe.

Mutevedzeri wemunyori mukuru weZIBAWU, VaShepherd Ngandu, vanoti sangano ravo rasvika pakutora danho iri nekuona kuti bhanga re Ecobank Zimbabwe harisi kuda kubaira vashandi varo vakawanda zvitupa, izvo zviri kuita kuti varambe vachishanda sema contract kana kuti casual.

VaNgandu vanoti zvakare bhanga iri riri kuramba kuti vashandi vaumbe makomiti anovamirira kanawo kuti vapinde muzvirongwa zvinoitwa nesangano rinomirira vashandi vekumabhanga.

VaNgandu vanoti vakatozivisawo mapurisa nezuro kuti vachange vachiratidzira murunyararo, kunyange hazvo vasingasungirwe kuzivisa mapurisa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reEcobank panyaya iyi sezvo nhare dzavo dzanga dzisingadairwi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG