Accessibility links

Breaking News

ZESN Yokurudzira Hurumende Kutarisa Zvakare Nguva yeKuverengwa kweVanhu neKuganhurwa kweMatunhu Sarudzo Dzisati Dzasvika


Zimbabwe Election Support Network, ZESN, inoti nguva yekuverengwa kwevanhu pamwe nenguva yekutara matunhu iduku kwazvo sarudzo dza2023 dzisati dzaitwa.
Zimbabwe Election Support Network, ZESN, inoti nguva yekuverengwa kwevanhu pamwe nenguva yekutara matunhu iduku kwazvo sarudzo dza2023 dzisati dzaitwa.

Sangano rinorwira kuti munyika muve nesarudzo dzakachena, reZimbabwe Election Support Network, ZESN, riri kukurudzira hurumende kuti igare zvakare pasi kuti itare nguva yakakwana yekuita chirongwa chekuverengwa kwevanhu kana kuti census, uyewo kuganhurwa kwematunhu, kana kuti delimitation exercise.

Sangano iri rinoti nguva yakaziviswa nehurumende kuti ichatangwa zvirongwa izvi iduku zvikuru kuti ipe vese vane chekuita nesarudzo mukana wakakwana wekugadzirira sarudzo dza 2023.

Hurumende yakazivisa mwedzi wapera kuti chirongwa chekuverengwa kwevanhu chichatanga muna Kubvumbi wegore rinouya ra2022, zvinenge zvabuda zvichizoziviswa muna Nyamavhuvhu 2022 wakare.

Izvi zvinonzi ndizvo zvinozotungamirawo chirongwa chekuganhurwa kwematunhu kubva muna Gumiguru 2022 kusvika muna Zvita 2022, sarudzo dzichizotarisirwa kuitwa muna Chikunguru 2023.

Asi sachigaro ve ZESN, VaAndrew Makoni, vanoti sezvo sarudzo dzichizoitwa muna 2023, nguva iyi ipfupi zvikuru zvekuti haipi kana vanoda kupikisa zvinenge zvabuda mukuganhurwa kwemiganho mukana wekuzvipikisa.

VaMakoni vanotiwo bumbiro remitemo yenyika rinoti kana kutarwa kwematunhu kukasapera mwedzi mitanhatu sarudzo dzisati dzaitwa, zvinenge zvoreva kuti zvinenge zvabuda hazvichashandiswi musarudzo idzodzo.

Hurukuro naVaAndrew Makoni
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG