Accessibility links

Breaking News

ZESN Inotyira Kutengwa Kwemavhoti Musarudzo Dzeku Glen View South


VaAndrew Makoni
VaAndrew Makoni

Sangano rakazvimiririra uye richibatsira mune zvesarudzo, reZimbabwe Election Support Network (ZESN), rinoti kumanyamanya kuri kuitwa nebazi reDistrict Development Fund, kana kuti DDF, richichera zvibhorani zvizhinji muGlen View South kunoratidza sekutenga mavhoti evanhu sezvo kuchaitwa sarudzo munharaunda iyi mwedzi unouya, musi wa 7 Gunyana.

Mugwaro ravabudisa pamusoro pezvakaonekwa nesangano ravo zvichiitika muGlen View South, ZESN inoti zvinoratidza sekuti bato reZanu-PF ririkuedza kutenga mavhoti.

ZESN inoti inobvuma kuti ibasa rehurumende rekubatsira nzvimbo nematunhu anenge achida rubatsiro asi vanokatyamara nezvirikuitika nguva yakatarisana nesarudzo uye dzimwe nzvimbo zhinji dzichidavo rubatsiro rwezvibhorani asi dzisiri kupiwa rubatsiro urwu.

Sachigaro weZESN, VaAndrew Makoni, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo harisi kufara nekuona motikari dzeDDF dzichifamba nemotikari dzakatakura vanhu vakapfeka mbatya dzeZanu-PF vachienda panocherwa zvibhorani izvi.

DDF irikuchera zvibhorani gumi nezvishanu munzvimbo iyi yega kunyange hazvo dzimwe nzvimbo dzisina kutarisana nesarudzo dzisina kana chibhorani chimwe chete zvacho.

Svondo rinouya, Glen View South ichaita sarudzo yekutsvaka mumiririri wayo weparamende mushure mekushaya kwa Amai Vimbai Tsvangirai Java muna Chikumi gore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG