Accessibility links

Breaking News

Kambani yeZESA Inoti Hapana Chakashanduka paHurongwa hweKudzimwa kweMagetsi


Vagari vanoti magetsi ave kudzimwa kwenguva ndefu kupfuura dzakaziviswa neZESA.

Kambani yemagetsi yeZimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company, inoti hapana chakashanduka pahurongwa hwekudzimwadzimwa kwemagetsi kana kuti load shedding, uhwo inoti huri muzvikamu zviviri chete, kwete zvina sezvinonzi zviri kuburitswa nevamwe mumadandemutande.

Izvi zvinotevera kuwedzerwa kuchema kunonzi kuri kuita vagari vachiti magetsi ave kuenda kwezuva rose pasina kana tarisiro yekuti zvinhu zvichanaka nekukasika.

Mutauriri wekambani yeZESA, VaFullard Gwasira, vanoti dambudziko remagetsi riri kukonzerwa nekuderera kwakaita mvura mudhamu reKariba, izvo zvave kuita kuti vakwanise kugaya magetsi anoita mazana maviri ema megawatt, kubva pamagetsi anodarika chiuru chema megawatt avaisigaya.

VaGwasira vanoti pari zvino vari kudzima magetsi kubva nenguva dza 5 mangwanani kusvika nenguva dza 10 usiku, zvichireva kuti kunenge kusina magetsi kwemaawa gumi nemanomwe pazuva.

Asi vagari vanoti magetsi ave kudzimwa kwenguva ndefu kupfuura dzakaziviswa neZESA.

Hurumende inonzi iri kuedzawo kutaurirana nemakambani ekunze anoitengesera magetsi akaita seEskom yekuSouth Africa neCahora Bassa yekuMozambique, asi zvinonzi kushaiwa mari yekuti ikwanise kubhadhara zvikwereti zvayo ndiro dambudziko guru.

Gurukota idzva rezvemhando dzemoto VaFortune Chasi, vanonzi vari kuita hurukuro nenyika mbiri idzi paine tarisiro yekuti Zimbabwe ingangowana rubatsiro rwekukwereteswa mamwe magetsi zvinhu zvakareruka munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG