Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Electoral Commission Inoti Vanhu Havasi Kubuda neHuwandu Kunonyoresa kuVhota


Sachigaro veZEC, Amai Priscilla Chigumba
Sachigaro veZEC, Amai Priscilla Chigumba

Komisheni inotungamira sarudzo munyika, yeZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, inoti vanhu havasi kubuda nehuwandu hwavo kunonyoresa kuvhota, chiitiko chinonzi chiri kuwanikwa mumatunhu akawanda enyika.

Mukuru anoona nezvesarudzo mudunhu reBulawayo, VaInnocent Ncube, vakaudza bepanhau reNewsDay kuti vari kutokumbira vezvematongerwo enyika kuti vakurudzire vanhu kunyoresa kuvhota pamberi pekuganhurwa kwematunhu kuitira sarudzo dza2023, kana kuti delimitation.

Zvinonzi kana kuganhurwa kwematunhu uku kwakaitwa paine vanhu vashoma vanyoresa kuvhota, zvinogona kuita kuti matunhu anenge aine vanhu vashoma vanyoresa kuvhota adimurwe kuitwa madiki zvichienderana nevanhu vakanyoresa kuvhota.

Mapato ezvematongerwo enyika ari mushishiwo kukurudzira nhengo dzawo kuti dzinonyoresa kuvhota. Bato reZanu PF rinoti riri kutarisira kuve nevanhu vanosvika mamiriyoni matanhatu vachanyoresa kuvhota. Ukuwo reMDCC Alliance rakatoparurawo chirongwa charo chekupinda mudzimba richikurudzira vanhu kuti vanyorese kuvhota.

Studio 7 yaedza kubata VaNcube kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu mudunhu reBulawayo asi vanga vasiri kudaira nharembozha yavo, uye vanga vasati vapindura mibvunzo yedu tataumira nenharembozha.

Takundikanawo kubata mukuru anoona nezvesarudzo muZEC, VaUtoile Silaigwana, sezvo vanga vasiri kudairawo nharembozha yavo.

Asi mukuru anoona nezvezvirongwa murimwe sangano riri kukurudzira kuti vanhu vanyorese kuvhota, reElection Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu, vanoti ichokwadi kuti vari kusangana nematambudziko ekuti vanhu havasi kubuda nehuwandu hwavanotarisira kuti vange vachinyoresa kuvhota.

VaBobosibunu vanoti chinofanirwa kuitwa kuwedzera dzidziso muvanhu sezvo vazhinji vaine pfungwa yekuti vanofanirwa kunyoresa kana sarudzo dzave pedyo, uye vave kuziva kuti ndavanaani vachakwikwidza musarudzo.

Hurukuro naVaSolomon Bobosibunu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG