Accessibility links

Breaking News

ZEC Yokurudzirwa Kuita Zvinhu Zvakajeka Munyaya Dzinobata Sarudzo


ZEC
ZEC

Sangano re Zimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti riri kukurudzira komisheni inoona nezvesarudzo kuti irambe ichishanda nemasangano akazvimirira oga mukugadzirira kunyoresa vanhu kuti vazokwanisa kuvhota gore rinouya.

Mukuru wesangano reZESN, Amai Rindai Chipfunde Vava, vanoti Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yanga ichimboedza kushanda nevamwe munyaya iyi.

Asi vanoti pachine zvizhinji zvainofanira kuitwa neZEC sezvo nguva yave kupera pakatariswa kuti sarudzo dziri kuitwa gore rinouya.

Amai Chipfunde Vava vanoti dai ZEC yaramba ichiita zvinhu pachena sezvayakaita pakutanga panguva yaida kutengwa michina ye Biometric Voter Registration, zvaifadza vanhu zvikuru.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, kuti tinzwe divi rekomisheni yavo pamashoko ari kutaurwa naAmai Chipfunde Vava.

Asi Amai Chipfunde Vava vanoti pakutanga ZEC yakadaidza vanomiririra mapato nemasangano akasiyana siyana kuti vaone zvese zvakange zvichiitwa, maererano negadziriro yesarudzo dzegore rinouya.

Asi Amai Chipfunde Vava vanoti havasi kufara nekuti zvinhu zvave kuita chinono iwo mazuva esarudzo achiswedera.

Asi vanoti vanotenda ZEC kuti yakateerera zvimwe zvakange zvataurwa nemasangano akaita seavo uye vanokuridzira komisheni iyi kuti iwedzere misangano yekugadzirira kuitira kuti vanhu vadzidze zvakakwana sarudzo isati yasvika.

Amai Chipfunde Vava vanokukuridzira zvakare ZEC kuti iwedzere huwandu hwenzvimbo dzekuvhotera nekudzidzisa vanhu pamusoro pekuvhota vachiti kana vanhu vachinzwisisa zvavari kuita, vanobuda vakawanda mudzimba vachienda kunovhota.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG