Accessibility links

Breaking News

Musangano weTNF Unotadza Kuburitsa Chimuko paNyaya yeMihoro


Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo.

Musangano weTripartite Negotiating Forum, TNF, wemazuva matatu wanga uchiitwa muHarare wapera pachinzi hapana kuwiriranwa panyaya yekuti gungano iri rotara here mari dzinofanirwa kutambirwa nemushandi wepasi kana kuti dzotarwa nemakambani achiwirirana nemasangano anomirira vashandi.

Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti nyaya yanetsa ndeyekuti votangira pamarii inoita kuti mushandi wepasi akwanisewo kufema mbichana, kunyange hazvo isingagone kumuraramisa.

VaMoyo vanoti nekuda kwekupesana uku, vazowirirana kuti hurumende ivaudzewo kuti iyo iri kuzviona sei, nekudaro vamirira kunzwa kubva kuhurumende.

Vanotiwo sesangano rinomirira vashandi, kana vapedza kupira vashandi zvabuda mumusangano uyu, uye vatorawo pfungwa dzine vashandi panyaya iyi, vanogona kusoshevedzerawo musangano weT-N-F kuti vaende mberi.

Musangano weT-N-F uyu ndewekutanga kubva pagadzirwa mitemo inoita kuti boka iri rishande zviri pamutemo muna Chikumi wegore rapera.

ZCTU inoti kwemakore makumi maviri adarika musangano uyu wanga uchiitwa zviri kunze kwemutemo.

Studio 7 yakundikana kubata vamiriri vehurumende pamwe nevevashandirwi vari muT-N-F kuti tinzwewo mativi avo.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG