Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti riri kushungurudzwa nezvarinoti zviri kuitwa nemapurisa zvekushanyira mahofisi aro achiti anoda kuona magwaro anoribvumidza kushanda, mazita evatungamiri pamwe nezvimwe zvakawanda zvavanonzi vari kubvunza.
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti neChipiri mapurisa aya akashayira mahofisi avo ekwaMutare, uye neChitatu mamwe mapurisa ashanyira zvakare mahofisi avo ekuGweru achibvunza zvimwechetezvo.
VaMoyo vanoti mapurisa aya ari kuda kuzivawo kana kunogara vatungamiri vesangano ravo, izvo zvavanoti zvave kuvatyisa.
Vanoti sangano ravo rave kunyorera kumukuru wemapurisa VaGodwin Matanga richivazivisa kuti ndizvo zviri kuitika kunhengo dzavo uye vachasvitsawo gwaro retsamba iyi kugurukota rezvemukati menyika.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vanzwa nezvenyaya iyi.
Facebook Forum