Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti hurumende inofanirwa kutara madhora zviuru zvitatu nemazana manomwe semari inotambirwa nemushandi wepasi, kukundikana kwayo vashandi vanozopinda mumigwagwa vachiratidzira.
Izvi zvinonzi zvakabuda mumusangano weGeneral Council yesangano iri wakaitwa nemusi weChitatu muHarare.
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti hurumende inofanirwa kutora matanho ekudzivirira vashandi kuburikidza nekudzosera zvinhu pazvaive zvimire kare, kana kutora mari yekuSouth Africa yeRand, zviri nani kuti vashandi vawedzerwe mari dzemihoro.
"Sezvo vashandi vakatorerwa mari yavo, tingati purchasing power, kana kuti kukwanisa kurarama kwavo nekuchinjwa kwemari, tino restowa sei kana kuti kudzorera pavanga vari kusati kwachinjiwa mari? Saka (musangano wegeneral council) wakasimbisa kuti mari dzevashandi ngadzidzoserwe pazvanga zviri muna August 2018."
VaMoyo vanoti pari zvino vashandi vari kunonga svosve nemuromo nepamusana pekuti vashandirwi havasi kuda kukwidza mari dzemihoro yavo, iyo mitengo yezvinhu ichingokwira zuva nezuva.
Zvichienda nemapoka emakambani, vamwe vashandi vari kutambira mari dzepasi vanonzi vari kutambira madhora mazana maviri nemakumi matatu pamwedzi.
Mwedzi uno hurumende yakatara mari dzevashandi vemudzimba ichiisa mushandi wepasi pamadhora zana nemakumi mashanu nemasere pamwedzi emari yemunyika.
Facebook Forum