Sangano rinomirira vashandi muAfrica, reInternational Trade Union Confederation-Africa svondo rapera rakanyorera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa tsamba richivakurudzira kuti hurumende yavo ikasike kuferefeta kutyisidzirwa nerufu kunonzi kuri kuitwa vatungamiri wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, nevanofungidzirwa kuti vasori.
Izvi zvinotevera mashoko ekuti vatungamiri veZCTU vanoti mutungamiri wesangano VaPeter Mutasa nemunyori mukuru wesangano, VaJaphet Moyo, vakatumirwa mabara epfuti aive mutsamba, pamwewo nemashoko ekuvatyisidzira nerufu kana vaizopindira mukuratidzira kwairongwa nebato rinopikisa re MDC svondo rapera.
Sangano re ITUC-Africa rinoti zviitiko izvi zviri kukanganisa vashandi vemuAfrica pamwe neshamwari dzeZimbabwe, zvikuru sei kana vari kutyisidzirwa ava vachibvumidzwa nebumbiro remitemo kuuungana kana kutaura vakasununguka.
Studio 7 yakundikana kubata mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, kanawo gurukota rezvevashandi Amai Sekai Nzenza pamwe negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa kuti tinzwe divi rehurumende.
Munyori weZCTU, VaMoyo, vanoti vanhu vose vari kutyisidzirwa kana kushungurudzwa vashandi, nekudaro masangano anomirira vashandi anosungirwa kuti asimudze mazwi awo achimira nevashandi vanenge vachishurudzwa, zvisineyi nekuti zvaitikira kunyika ipi.
Facebook Forum