Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inonyorera ILO Tsamba yeNyunyuto


Sangano revashandi reZCTU rinoti kodzero dzevashandi dziri kumbunyikidzwa nehurumende.
Sangano revashandi reZCTU rinoti kodzero dzevashandi dziri kumbunyikidzwa nehurumende.

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti rakanyorera kusangano revashandi pasi rose reInternational Labour Organisation, ILO, richizivisa sangano iri nezvekutyorwa kwekodzero dzevashandi pamwe nekurambidzwa kuungana kwevanhu nehurumende yeZimbabwe.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vanyora tsamba kusangano re ILO mazuva matatu apfuura, vachiti Zimbabwe imwe yenyika dzepasi rose dzakasaina chibvumirano chekutevedzera mitemo yevashandi pamwe nekuchengetedza kodzero dzavo.

Asi vanoti Zimbabwe haisi kutevera chibvumirano ichi mukuita sezvayakasaina.

Vanoti kuenda ku ILO kunovabatsirawo zvikuru nekuti zvinoitawo kuti dzimwe nyika dzizive zviri kuitwa nehurumende yeZimbabwe mukumbunyikidza kodzero dzevashandi, zvichizogonawo kuita kuti vanoda kupa rubatsiro vatange vaona mamiriro akaita zvinhu.

VaMoyo vanotiwo vari kuronga kukwirira kudare redzimhosva vachida kuti mapurisa amiswe kushungurudza nhengo dzavo.

Studio7 yakundikana kubata gurukota rezvevashandi, Amai Sekai Nzenza, kuti tinzwewo divi rehurumende panyaya iyi.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG