Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inonyorera VaMnangagwa Tsamba Ichikurudzira Nhaurirano dzeTNF


Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa.
Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa.

Mutungamiri wesangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti neChitatu chesvondo rino vakanyorera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, tsamba vachikurudzira kuti vashevedzere musangano wechimbichimbi pakati pevashandi, vashandirwi nehurumende wekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika mune zveupfumi.

VaMutasa vanoti musangano uyu, weTripartite Negotiating Forum, ndiyo chete nzira inogadzirisa matambudziko akatarisana nevashandi pamwe neveruzhinji, avo vavanoti vave kutadza kuenda kumabasa kana kutenga zvekudya nekuda kwekuoma kwezvinhu.

Vanoti vakapa mutungamiri wenyika mazuva manomwe ekuti vadzoke kwavari nemhinduro inogutsa, inove yekushevedzera musangano uyu.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, kuti tinzwe kana VaMnangagwa vakatambira tsamba iyi, uye kana pane matanho ari kutorwa naVaMnangagwa.

Asi VaMutasa vanoti havasi kumirira kunzwa mhinduro yemutungamiri wenyika kwete, sezvo vatotanga kutenderera nenyika vachinzwa pfungwa dzevanhu panyaya yekuoma kwezvinhu munyika, uye matanho angakodzera kutora kugadzirisa zvinhu

Vanoti mitengo yezvinhu zvose munyika iri kukwira zvakanyanya asi mihoro yevashandi isina kwairi kuenda.

Hurukuro naVaPeter Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG