Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, riri kushora zvikuru danho rehurumende rekuda kuvandudza mutemo une chekuita nevashandi vari mubazi rezvehutano.
Hurumende iri kuronga kuvandudza mutemo weHealth Services Act, izvo zvinonzi zvichaita kuti vashandi vose vezvehutano muzvipatara nemakirinika ehurumende varambidzwe kuramwa mabasa kwemazuva matatu akatevedzana.
Muchiziviso chakaburitswa neChishanu chapfuura, hurumende yakati kana mutemo uyu wakabudirira kuvandudzwa, vashandi vezvehutano vanenge votarisirwa kutanga vazivisa nezvehurongwa hwekuda kuramwa mabasa mazuva maviri vasati vatora matanho, uye vachifanirwa kuramwa mabasa mazuva matatu mukati memasvondo maviri oga oga.
Vamiriri vevashandi vanenge vawanikwa vaine mhosva yekuronga kana kukurudzira vamwe kuti varamwe mabasa vanonzi vachakandwa mujeri kwemakore matatu.
Hurumende inoti iri kutora danho iri kugadzirisa zvinhu muboka rezvehutano, iro inoti ranga richikanganiswa mashandiro nekuramwa mabasa kwevashandi kusiri pamutemo.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi asi vachitaura nebepanhau reHerald, mumwe mukuru mubazi rezvehutano Dr. Maxwell Hove vakati mutemo uyu ukavandudzwa vashandi mubazi iri havabvumidzwe kuratidzira kanodarika mazuva matatu mumavhiki maviri.
Asi munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti hazvisi zvitsva zvekuti hurumende inovandudza mitemo ichityora kodzero dzevashandi.
VaMoyo vanoti sevanhu vanomirira vashandi, inyaya yavari kutorwisana nayo kuburikidza nekurwira kuti mutemo wezvevashandi, kana kuti Labour Act, uvandudzwe.
Asi vanoti kuboka rezvehutano kwagara kuine gakava riripo kwemakore, izvo zvaita kuti hurumende ide kuisa mutemo wakadai wekuomesera vashandi vanenge vachiramwa mabasa.
VaMoyo vanotiwo vashandi vose vanofanirwa kungobatwa nemutemo waakaenzana, kwete kuti hurumende iise vamwe mumapoka ainoti akakosha kudarika mamwe.
Facebook Forum