Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Council of Churche Inoti Gadziriro yeMusangano neVatungamiri veMatongerwo eNyika Yave Pamusororo


Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches, Rev. Dr. Kenneth Mtata
Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches, Rev. Dr. Kenneth Mtata

Sangano reZimbabwe Council of Churches, ZCC, rinoti gadziriro yemusangano weMuvhuro unouya apo pari kutarisirwa kusangana vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika akasiyanasiyana emunyika iri kufamba zvakanaka chose, uye zvinhu zvose zvave mugwara.

Munyori mukuru weZCC, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vanoti hurongwa hwavo hwafamba zvikuru uye vaitawo misangano yakasiyanasiyana nemapato akawanda anga achida kunzwisisa kuti musangano uyu wakamira sei.

Doctor Mtata, avo vasina kuda kutaura kuti vatungamiri vamapato api vabvuma kupinda mumusangano uyu, vanoti hurongwa hwavo hwahusi hwekukwikwidzana nehumwe hungadai huripo nechakare hwakadai se Political Actors Dialogue (POLAD) kana hupi zvahwo.

Zimbabwe Council of Churches iri kuronga musangano wekuunza vatungamiri vemapato ose ezvematongerwo enyika nechinangwa chekuedza kutsvaga nzira dzekugadzirisa matambudziko ari munyika nekusawirira mune zvematongerwo enyika pamwe nezvehupfumi.

Musangano uyu uri kutarisirwa kuitwa ku Kentucky Hotel muHarare, uye uri kuuya panguva iyo zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunyunyuta nemamiriro ezvinhu munyika zviri kuronga kuratidzira munyika yose musi wa 31 mwedzi uno.

Hurukuro naReverend Doctor Kenneth Mtata
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoongororora zvematongerwo enyika vari mukuru wemabasa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Reuben Mbofana, vanoti zviri kuitwa neZCC zvekuedza kuunza mapato ose kunhaurirano idanho rakanaka chose pachitariswa kutambura kuri kuita veruzhinji.

VaMbofana vanoti vanokurudzira mapato ane vatsigiri vakawanda anoti Zanu PF neMDC Alliance kupinda mumusangano uyu kana aine chido chekumirira vanhu sezvaanogaroparidza.

Vanoti vaitungamira mapato maviri aya vashakabvu VaRobert Mugabe veZanu PF,naVaMorgan Tsvangirai veMDC, vakambozviedza muna 2009 zvakashandura hupenyu hwevanhu, kunyange hazvo mubatanidzwa wavo wakave wenguva duku, uye usina kugadzirisa zvose zvainetsa vana veZimbabwe panguvayo.

Hurukuro naVaTendai Reuben Mbofana
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG