Accessibility links

Breaking News

Zapu Yoshushikana neKusajeka kweHurongwa hweHurumende hweGukurahundi


Dumiso Dabengwa
Dumiso Dabengwa

Bato reZapu rinoti harizi kufara nekusabuda pachena kwehurumende pahurongwa hwekuvigwa zvakanaka vanhu vakafa panguva yeGukurahundi pamwe nekuwanisa magwaro ekuzvarwa kwedzimwe hama dzevanhu ava.

Vakafanobata chinzvimbo chemutauriri webato reZapu, VaIphithule Maphosa, vanoti bato ravo riri kushushikana nekuti nyaya yekuvigwa kwevannu vakaurayiwa panguva yeGukurahundi iyi inenge iri kuitwa zvechihwande-hwande.

Izvi zvinotevera mashoko emutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, munguva pfupi yapfuura, avo vakati hurumende yakatotanga kuvaka zvivakwa panzvimbo dzinoziikanwa kunzi pakavigwa vanhu vakawanda vakaurayiwa panguva yeGukurahundi pamwe nekuviga zvakanaka mapfupa evamwe vakaurayiwa panguva iyi.

Asi VaMaphosa vanoti VaMphoko vanogara vachitaura zvinhu zvakasiyana-siyana pamusoro penyaya yeGukurahundi, vachitiwo nyaya iyi inyaya yakaksosha zvikuru zvekuti hurumende inofanirwa kuve nehwaro hwakajeka hwekuigadzirisa hunoziikanwa nenyika yose.

VaMphoko ndivo gurukota rinoona nezvekupodzwa kwemaronda pamwe nekuregererana uye vakazivisawo kuti hurumende yakatotanga kupa magwaro ekuzvarwa kune dzimwe hama dzevakauraiwa panguva yeGukurahundi iyi.

VaMaphosa vaudza Studio 7 kuti bato reZapu rinotambira kupiwa kwevanhu vakabatwa neGukurahundi magwaro ekuzvarwa pamwe neekufa asi vati kuita izvi hakuzi iko kupedza nyaya, vachiti pane zvimwe zvakawanda zvinofanirwa kuitwa kugadzirisa nyaya iyi.

Pakutanga kwaKurume, VaMphoko vakabuda mumapepanhau ehurumende vachitaura kuti hurumende yaisazoviga patsva vanhu vakaurayiwa vakavigwa vakawanda panguva yeGukurahundi asi kuti panzvimbo dzakavigwa vanhu ava pachaiswa zvivakwa zvinoratidza kuti pane vanhu vakavigwa ipapo.

Sachigaro wesangano reRestoration of Human Rights mudunhu reMatabeleland South, VaBekezela Fuzwayo, vanoti hurumende haina shungu nekuita zvainoziva zvinodiwa nevanhu pakugadzirisa nyaya yeGukurahundu uye vanotsigirawo nyaya yekuti panofanirwa kuve nehurongwa hwakajeka hwekugadzirisa nyaya iyi.

Murongi wemabasa musangano reAbammeli Human Rights Lawyers Network, VaTineyi Mukwewa, vanoti VaMphoko vanofanirwa kubudira nyika pachena nekutaurira dare reparamende hurongwa hwavainaho kuitira kuti pasazove nevanofunga kuti vari kuita zano ndega.

Veruzhinji vane maonero ekuti hurumende haidi kuti nyaya yeGukurahundi itaurwe nezvayo pachena.

Vanhu vanofungidzirwa kuti vanodarika zviuru makumi maviri vanonzi vakafa munguva yeGukurahundi mumatunhu eMidlands neMatabeleland.

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti munyika muchaita kuregererana kwechokwadi nerunyararo chairwo kana nyaya iyi yataurwa nezvayo zvizere.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG