Accessibility links

Breaking News

Bato reZimbabwe African People’s Union Rosarudza Vatungamiri Varo Vatsva neMugovera


VaDumiso Dabengwa

Bato rinopikisa, reZimbabwe African People’s Union (ZAPU) riripakati pekuita musangano waro mukuru, kana kuti Congress, muBulawayo.

Musangano uyu wakatanga nezuro, China, uye uchapera mangwana, Mugovera.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato iri, VaDerek Katsenga, vaudza Studio 7 kuti musangano wavo wakanonotswa nekupararira kwedenda reCovid-19, vachiti nguva yasvika yekuita musangano wekongresi kuti pasarudzwe vatungamiri vebato iri zviripamutemo, zvikuru sei mutungamiri webato iri anotora chinzvimbo chevaimbova mutungamiri waro, muchakabvu Dumiso Dabengwa.

VaDabengwa vakashaikira kuNairobi, Kenya, muna 2019.

VaKatsenga vanoti zvigaro zvizhinji zvichange zvichikwikwidzwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG