Accessibility links

Breaking News

ZAPU Yopemberera Kusvitsa Kwayo Makore Makumi Mashanu Nemanomwe


Mutungamiriri weZAPU, VaDumiso Dabengwa
Mutungamiriri weZAPU, VaDumiso Dabengwa

Bato rinopikisa reZimbabwe African People’s Union, ZAPU, nemusi weMuvhuro rakapemberera kusvitsa makore makumi mashanu nemanomwe kubva zvaraumbwa musi wa17 Zvita 1961.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaEphithule Thembani Maphosa, vaudza Studio 7 kuti ZAPU yakaitira nyika zvinhu zvakawanda, kusanganisa kurwira rusununguko, kunyorerana chibvumirano chekubatana neZanu-PF kumisa hondo yeGukurahundi nezvimwe.

VaMaphosa vati nyika inofanirwa kusvinura ione kuti hapana kugadzikana kunogona kuitika munyika pasina ZAPU, iyo yavanoti ndiyo bato guru pamakore pamapato ese munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG