Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoronga Kusungisa VaMugabe Kuitira Kuti Vabviswe


VaMugabe neVakuru veMauto eZimbabwe
VaMugabe neVakuru veMauto eZimbabwe

Bato reZanu PF raudza mukokeri waro muparamende, VaLovemore Matuke, kuti vaenderere mberi nehurongwa hwavo hwekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vadzingwe zviri pamutemo kana kuti impeachment.

Mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vazivisa vatori venhau kuti vaudza chief whip wavo muHouse of Assembly kuti vaenderere mberi ne impeachment kuna VaMugabe mushure mekuzivisa mutauriri weparamende neChipiri.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvemutemo muZanu PF, VaPaul Mangwana, vati bato ravo ratogadzira mhosva dzavari kupomera VaMugabe kuitira kuti vadzingwe.

VaMangwana vati Zanu PF yatotaura nebato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe ne MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, kuti nhengo dzeparamende dzemapato aya kuti dzitsigire Zanu PF muparamende neChipiri.

VaMangwana vanotarisira kuti Zanu PF ichatura mosheni yekudzinga VaMugabe uye kana izvi zvichinge zvaitika, komiti yeparamende yeStanding Rules and Orders ichadoma komiti ine nhengo pfumbamwe kuti inongorore nyaya iyi.

Komiti iyoyi inozotura zvainenge yawana kuparamende.

VaMangwana vati vanotarisira kuti chirongwa chese ichi chinopera mukati memazuva maviri.

Gweta VaAndrew Makoni vaudza Studio 7 kuti bato reZanu PF rinobvumidzwa nemutemo wenyika kutora danho iri.

VaMangwana vati Zanu PF iri kutora danho iri nekuti VaMugabe vakaoma musoro.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG