Accessibility links

Breaking News

Sarudzo dzeDzokororo muZanu-PF Dzoitwa neMuvhuro 14 Chivabvu


Vatsigiri veZanu-PF

Murongi wemisangano mubato reZanu-PF, VaEngelbert Rugeje, vazivisa kuti kudzokororwa kwesarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzenyika, uko kuri kufanirwa kuitwa mune dzimwe nzvimbo, kuchaitwa nemusi weMuvhuro, 14 Chivabvu.

Mugwaro ravanyora, VaRugeje vati sarudzo idzi dzisati dzatanga, zvikwata zvevanhu vebato ravo zvichaongorora mapepa evanhu kuti ndeve bato ravo here, vachiti izvi zvichaitwa neMugovera neSvondo, svondo rino.

Vatiwo zvinofanirwa kuonekwa kuti vanovhota vanhu vane mvumo yekuvhota chete nekuti hakuchina kuchazodzokororwa kwesarudzo zvekare.

Zanu-PF iri kudzokorora kuvhota mune nzvimbo zhinji pamusaka pekuti vamwe veavo vakakundwa musarudzo dzekutanga vakuru vakuru vebato iri uye vakachema chema kuti sarudzo dzakaitwa hadzina kuitwa zvakanaka.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti kudzokororwa kwesarudzo uku kuda kubatsira shamwari dzevamwe vakuru vakuru vemusangano dzakakundwa musarudzo dzekutanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG