Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Inotenda Vavhoti VemuTynwald North neChibage


Masaga echibage

Hutungamiriri hwebato reZanuPF mudunhu reHarare West Constituency nemuwi weSvondo hwakagovera vanhu vanoshaya chibage mumusha weTynwald North richitenda kuvhota kwavakaita.

Vanhu vakawanda vakaungana munhandare yemumusha uyu vachitambiriswa masagi ema50kgs echibage.

Nhengo yebato reZanuPF avo vakakundwa musarudzo dzenhengo yedare reparamende pasarudzo yakaitwa musi wa30 Chikunguru VaGeorge Mashavave vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangaggwa vakati vanhu havafanire kunonga svosve nemuromo.

VaBlessing Chimanga avo vakakundwa neMDCA Alliance musarudzo dzakanzura muward 41 vakatiwo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakawana mavhoti asina kumbowanikwa nevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe munharaunda iyi.

VaMashavave vakaudza Studio 7 kuti vachaenderera mberi nekupa vanoshupika ava chikafu chakaita semupunga nemafuta ekubikisa munguva pfupi inotevera.

Vakaenderera mberi vachiti chibage ichi vakachirimwa kupurazi kwavo uye zvimwe zvinhu zvichapiwa vagari vemu Harare West Constiuency vachatenga nemari yavo neimwe yavachapiwa nehama neshamwari vanoona kukosha kwekubatsira vanotambura.

Imwe shirikadzi Amai Axillia Mudhonga vanoti kuti zvinofadza kuti bato reZanu-PF rapa vanhu chibage pasina rusarura.

Gogo Mary Masoka vakaratidzwo kufara nechiitiko ichi. Asi VaThomas Moyo vakati havana kufara nevanhu vemabato anopikisa vaiuya kuzotora chibage asi vasingadi kuvhotera bato ravo.

Bato reZanuPF rakawana mavhoti mazana maviri mumusha weTynwald North gore rino mushure mekuwana mavhoti gumi nemana muna 2013.

Muzvare Joana Mamombe vebato reMDC ndivo vakakunda musarudzo dzedare reparamende uye VaKudzai Kadzombe vebato rimwe chetero vakakunda musarudzo dzekuva kanzura.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG