Accessibility links

Zanu PF Inovhiringidza Hurongwa hweWorld Health Day muEpworth


Epworth residents

Vechidiki veZanu PF vavhiringidza chirongwa chekucherechedza zuva rezvehutano pasi rose, re World Health Day, icho change chichifanirwa kuitirwa muEpworth.

Vechidiki ava pamwe nakanzura weZanu PF anomirira Ward 2, VaJaphet Chiromo, vatadzisa hurongwa uhu kuenderera mberi vachiti vanga vasina kuudzwa nezvemusangano uyu.

Mhemberero idzi dzange dzakarongwa neZimbabwe Association of Doctors for Human Rights pamwe ne Epworth Residents Development Association.

Vechidiki ava vati vanoda kubhadharwa kuti mhemberero idzi dzienderere mberi.

VaChiromo vatiwo sakanzura wewadhi rine nzvimbo iri kuitirwa mhemberero idzi, havana kunge vaziviswa nezvemusangano uyu.

Asi mutungamiri weZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, VaCalvin Fambirai, vati vakazivisa kanzuru nezvehurongwa hwavo, uye vange vakokawo sachigaro weEpworth Local Board, avo vazokundikana kuuya.

VaFambirai vati vatsigiri veZanu PF ava vanga vachivapomera mhosva yekuita zvematongerwo enyika.

Munyori musangano reEpworth Residents Development Association, VaPeter Nyapetwa, vashora zvikuru kuvhiringidzwa kwemusangano uyu vachiti zvinonyadza kuona makanzura achiita hunhu hwakadai.

Mumwe wevanhu vange vauya kumhemberero idzi, Amai Constance Chikwedze, vatiwo vashamiswa zvikuru kuti dzidziso dzehutano dzingarambidzwe kuitwa munzvimbo yavo.

Sachigaro weZimbabwe Human Rights Commission, VaElasto Mugwadi, avo vanga vari munyarikani pamhemberero idzi, vasvika panzvimbo yemhemberero vanhu vachidzingwa nenhengo dzeZanu PF.

VaMugwadi vati komisheni yavo inobvumirwa nebumbiro remitemo yenyika kuita misangano painodira ichidzidzisa veruzhinji nezvekodzero.

Kunyange hazvo chiitiko ichi chaitika pedyo negedhe repakamba yemapurisa muEpworth, vanhu vadzingwa sembwa mapurisa aya akatarisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG