Accessibility links

Vanoona nezveMatongerwo Enyika Vanoti Zvido zveMauto Ndizvo Zvichaitwa Munyika


Vatsigiri veZanu PF vachifarira kutora masimba kwakaitwa nemauto kubva kunaVaMugabe

Zanu-PF iri kuita kongiresi yayo yechimbi-chimbi neChishanu, muHarare iine zvisungo zvitatu zvinonzi ndizvo zvichakurukurwa.

Kongiresi iyi iri kutarisirwa kutambira VaEmmerson Mnangagwa semutungamiri webato, kupa VaMnangagwa masimba ekumirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika gore rinouya uye kutambira zvisungo zveCentral Committee zvakaitwa musi wa19 Mbudzi.

Asi madzimai eboka reZanu PF Women's League anoti anotarisirawo kuti nyaya yekuti mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, ave munhukadzi, sezvazvakanga zvakaita muna 2014.

Nyanzvi mune zvamatongerwo enyika, uye vachidzidzisa paTswane University of Technology, kuSouth Africa, Doctor Ricky Mukonza, vaudza Studio7 kuti hutungamiri mubato reZanu-PF hausati hwanyatsogadzikana uye vazhinji havasi kuzuva kuti masimba chaiwo anani.

“Zviga kana kuti ma decisions anogona kuva akatoitwa kare. Pane zvakatotaurwa zvikatenderanwa. Pane kutenderanwa kwakatobuda ipapa kuti ngana ndiye achava pakati, ngana ndiye achava pakati.

"Saka zvavekutaurwa nemadzimai kuti ivo vanodawo chinzvimbo chekuti umwe wavo avamiririre semutevedzeri wemutungamiri wenyika, zvave kutokanganisa zvibvumirano zvakaitwa,” vanodaro VaMukonza.

Vanoti mauto ndiwo atove nechekuita nematongerwo enyika vachiti hurumende ichatevedzera zvido zvemauto, sezvo ari iwo akabatsira kuti hurumende yavepo ipinde pachigaro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG