Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inoti VaMnangagwa Havakwikwidzwi Kusvika Vapedza Matemu Avo Maviri


VaKindness Paradza veZanu PF
VaKindness Paradza veZanu PF

Bato reZanu PF rabuda nechisungo chekuti mutungamiri waro, uye ari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, havakwikwidzwi chigaro chavo kwematemu maviri.

Izvi zvinoreva kuti VaMnangagwa ndivo vachamirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2023, uye muna 2028.

Chisungo ichi chimwe chezvisungo zvabuda kumusangano wepagore webato iri uyo wapera kuEsigodini kuMatabeleland South neMugovera.

Zvimwe zvisungo zvabuda nebato iri zvinosanganisira kuti hapana nyaya yehutungamiri ichataurwa, sezvo VaMnangagwa vari ivo vachange vachitungamira bato; kuita hurongwa hwekukwezva vari kunze kwenyika kuitira kuti vadzoke kumusha kuzobatsira kusimudzira nyika, pamwe nekuvandudza mitemo yePublic Order and Security Act, uye mutemo weAIPPA kuitira ibviswe kana isingaenderane nebumbiro remitemo yenyika.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri webato iri, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe zvaitika.

Asi nhengo yeZanu PF inomirira Makonde muparamende, Va Kindness Paradza, vanoti bato rabuda nezvisungo zvakanaka chose.

“Musangano wakafamba ukabudirira, tikaita zvisungo zvakanaka chaizvo. Chisungo chekutanga ndechekuti takawirirana tese takange tiri mumusangano uyu kuti VaMnangagwa ndivo President vedu, ndivo vachatimiririra musarudzo yemuna 2023 kuti vapedze zviga zvavo zviviri sezvinodiwa nebumbiro remutemo. Hatidi kuona munhu anovakanganisa,” vadaro VaParadza.

VaParadza vativo musangano wasunga kuti Zimbabwe igadziridze hukama hwayo nenyika dzaisingawirirani nadzo dzakaita seAmerica neBritain, vachiti ndicho chikonzero makumi matatu nevapfumbamwe evamiririri veZimbabwe kune dzimwe nyika vange vari pamusangano uyu.

Vachitaura pamusangano uyu, VaMnangangwa vaudza vatsigiri vavo kuti vabatane uye kuti vaise nyaya dzehupfumi hwenyika mberi kwezvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG