Vamwe vechidiki veZanu PF vafora mumigwagwa yemuBulawayo neChina mangwanani semucherechedzo weruremekedzo kumutungamiri wavo, VaRobert Mugabe, avo vakasvitsa makore makumi mapfumbamwe nematatu nemusi weChipiri.
Izvi zvaitika vamwe vanhu vachishora danho raive ratorwa nevebazi redzidzo rekuti zvikoro zvemumatunhu eMatabeleland zvivharwe kuchigadzirirwa mabiko ebhavhudhe raVaMugabe achaitwa nemusi weMugovera kuMatopos.
Veboka rechidiki vebato reZanu PF vane chitsama vachiperekedzwa nemaband emapurisa neechiuto, vafamba kubva paStanley Square mumusha weMakokoba kusvika paCar Park yepaCity Hall.
Munyori wezvemabasa ekushanya muboka revechidiki muZanu PF, Muzvare Betty Dhliwayo, vatenda vamwe vavo nekufora uku vachiti zvinoratidza rutsigiro rwavo kuna VaMugabe.
Kufora uku kwaitika apo vamwe vabereki vemuBulawayo vange vachitsutsumwa nedanho raive ratorwa nebazi redzidzo neChitatu rekuti zvikoro zvemumatunhu emuMatabeleland zvivharwe China neChishanu kuchigadzirirwa mhemberero yebhavhudhe raVaMugabe.
Asi bazi redzidzo rakazozivisa kuti nezuro manheru kuti vana vachikoro vanofanirwa kuenda kuchikoro semazuva ose.
Asi vana vakawanda havana kuenda kuzvikoro neChina sezvo vazhinji vavo vasina kunzwa chiziviso ichi.
Mumwe mubereki angozvidoma nezita rrekuti Makombe ashora zvikuru vebazi redzidzo achiti mhemberero dzebhavhudhe remutungamiri wenyika hadzifanirwe kukanganisa dzidzo dzevana vechikoro.
Zvichakadaro, vakambove gurukota rezvekurongwa kwehupfumi hwenyika, VaNkosana Moyo, vanoti vanhu munyika havafanirwa kuve vachitambura sezvo Zimbabwe ine hupfumi hwakawanda kubva muzviwanikwa zvakasiyana-siyana.
Vachitaura neStudio7 Chitatu manheru muBulawayo pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika,
VaMoyo vakati kutambura kuri kuita vanhu kuri kunyanya kukonzerwa nekwavakati kushaya hany’a kwevatungamiri, vakatiwo VaMugabe vangadai vasiri kuitirwa mabiko ebhavhudhe ravo panguva yakadai.
VaMoyo, avo vari kutungamirira sangano rinonzi Mandela Institute for Development Studies riri kuSouth Africa, vakaramba runyerekupe rwekuti pane rimwe bato rinopikisa riri kuyedza kuvakwezva kuti vagokwikwidza pachigaro chemutungamiri wenyika musarudzo dzegore rinouya.
VaMoyo vane zvinzvimbo mumabhodhi emakambni akasiyana-siyana kusanganisira ari kunze kwenyika uye munhu anoremekedzwa zvikuru munyaya dzemabhizimisi pamwe nezvehupfumi.
Facebook Forum