Accessibility links

Breaking News

Madzimai eZanu PF Oratidzira Achiti Amai Sandi Moyo naAmai Mahoka Vadzingwe.


Zanu PF Women's League - Byo demos
Zanu PF Women's League - Byo demos

Masachigaro ematunhu ose gumi emunyika muboka reWomen's League yebato reZanu PF, vaungana nevamwe vatsigiri veZanu PF muBulawayo vachitsigira kuti Amai Eunice Sandi Moyo naAmai Sarah Mahoka vadzingwe muboka remadzimai.

Vamwe vatsigiri veZanu PF vakatanga kuratidzira nemusi weChipiri mumatunhu akasiyana siyana vachiti vaviri ava vadzingwe mubato.

Kwezuva rechitatu neChishanu vamwe vatsigiri veZanu PF varatidzira paDavies Hall unove muzinda webato iri muBulawayo vachiti mutevedzeri weboka remadzimai, Amai Eunice Sandi Moyo, pamwe nemubati wehomwe muboka iri, Amai Sarah Mahoka, vanofanirwa kudzingwa mubato iri.

Vose vataura pachiitiko ichi vatuka nekushora Amai Sandi Moyo naAmai Mahoka avo vavari kupomera mhosva dzakawanda kusanganisira kuzvidza mukuru weboka remadzimai, Amai Grace Mugabe, pamwe nekuba mari dzemusangano.

Sachigaro weMashonaland Central, avo vangozvidoma nezita rekuti Amai Jonga, vati Amai Mugabe vari kuunza budiriro mudunhu ravo vakatiwo munhu wese anovazvidza haafanirwe kuve mumusangano.

Vanhu vange vachiratidzira ava vazoparara pasina kutaurwa kuti chii chichaitika.

Kunyange hazvo Amai Sandi Moyo nezuro vakati havasi kutirimuka nezviri kuitika sezvo vachiti havana chavakatadza, vamwe vanoziva zviri kuitika vanoti ivo naAmai Mahoka vachatodzingwa mubato sezviri kutaurwa.

Vamwe vatsigiri veZanu PF vasina kuda kubuda pamhepo vati zvinovashamisa kuti Amai Sandi Moyo naAmai Mahoka vave kuburitsirwa mapanga asi ivo vaiziikanwa nekutsigira vechikwata cheZanu PF chinonzi G40 icho chinonzi chinotsigira Amai Mugabe.

Amai Mahoka vakamboita mukurumbira mushure mekutuka mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachivati vanoda kupandukira VaMugabe. VaMunangagwa vanonzi ndivo vanotungamira chikwata chinoziikanwa chichinzi La Coste.

VaVusumuzi Moyo avo vati vanoteverera zvikuru zviri kuitika muZanu PF vati hazvivashamise kuti Amami Sandi Moyo naAmai Mahoka vave kuburitsirwa mapanaga vachiti iyi inogona kuve nzira yevamwe vanotsigira Amai Mugabe kuti vasawane angavakwikwidza pakuda kuve mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato reZanu PF.

Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu, Muzvare Nozipho Moyo, vati zvinhu zvinovarwadza zvikuru kuowna madzimai achidhonzerana pasi.

Vamwe vanoti zviri kuitika kuna Amai Sandi Moyo naAmai Mahoka mucherechedzo wekuti makakatanwa ari mubato reZanu PF ekuti ndiani achatsiva VaMugabe pachigaro, ari kuramba achikura.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG