Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeBato reZanu-PF Inomiswa Mberi kweDare Ichipomerwa Mhosva yeKutsigira VaChiwenga, Kwete VaMnangagwa


VaConstantino Chiwenga

Nemusi weChipiri, dare ramajesitiriti muBindura, rakaramba chikumbiro chemumwe murume chekuti nyaya yake inonzwikwa nedare reConstitutional Court richiti nyaya yake ichanzwikwa mudare iri.

VaGoodman Musariri, mutsigiri webato reZanu-PF, vari kupomerwa mhosva yekunyomba nekuzvidza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

VaMusariri vakasungwa gore rapera vachipomerwa mhosva yekufambisa mashoko ekutsigira mutevedzeri waVaMnangagwa, VaConstatino Chiwenga, kwete VaMnangagwa.

Zvinogara zvichitaurwa kuti mubato reZanu-PF mune makakatanwa pakati pevatsigiri vaVaMnanagwa nevatsigiri vaVaChiwenga.

Mutongo wakapiwa VaMusariri nezuro unoreva kuti nyaya yavo icharamba ichinzwikwa mudare ramagesitiriti muBindura.

Sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights, iro riri kumirira VaMusarira, rinoti VaMusarira vachamiswa mberi kwedare musi waZvita 14, 2021 muBindura.

Svondo rapera, dare redzimhosva muBeit Bridge, rakarasa mhosva yemumwe murume nemukadzi wake, vakanga vachipomerwa mhosva yekuzvidza nekunyomba zita remutungamiri wenyika, richiti vachuchusi vakatadza kuuyisa nyaya iyi kudare kwemwedzi gumi neminomwe nokuti vakanga vasina humbowo hunoratidza kuti pane mhosva yakanga yaparwa.

Nyanzvi mune zvemutemo, vachishandira muguta reToronto kuCanada, VaSilas Chekera, vanoti havaoni kuti VaMusarira vakasungirwei, vachiti munhu wega wega ane kodzero yokusarudza waanoda kutsigira.

VaChekera vanoti mutemo unorambidza kuzvidza nekunyomba mutungamiri wenyika hauenderani nebumbiro remitemo yenyika uye hauzikanwi paunotangira nepaunoperera sezvo vanhu vane kodzero yekutura zvavanoda.

Vati mutemo uyu unonetsa kubata munhu nemhosva, unotyora kodzero dzevanhu uye unogona kushandiswa nenzira isina kunaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG