Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yokwezva Vayakambodzinga Ichiti Dzaive Nhengo dzeG40


Vaive nhengo dzeZanu PF vakadzingwa mubato iri vokurudzirwa kudzoka kumusangano.
Vaive nhengo dzeZanu PF vakadzingwa mubato iri vokurudzirwa kudzoka kumusangano.

Bato reZanu PF rinoti rave kutambira zvakare pasina mibvunzo vose vakambenge vadzingwa mumusangano uyu vachinzi vaive nhengo dzeG40 pamwe nevamwewo vanogona kunge vakambobuda mumusangano nezvikonzero zvakasiyanasiyana.

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, Doctor Obert Mpofu, vakazivisa svondo rapera kuti vose vakadzingwa mubato vachipomerwa mhosva yekuve nhengo dzeG40, vakasununguka kuita izvi vasina zviga zvavanosungirwa.

Asi Doctor Mpofu vakazoburitsa zvakare mamwe mashoko vachiti vanhu ivavo vachaferefetwa zvakakodzerana navo kuti vanokwanisa here kudzoka mubato kana kuti kwete.

Izvi zvatsinhirwa nemukuru wezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF VaTafadzwa Mugwadi, avo vanoti musangano wavo wakaona zvakakosha kuti vose vakambenge vari nhengo vadzoke, asi vanofanirwa kudzoka vachiziva kuti zvakamboita kuti vadzingwe mumusangano hazvidzokororwe zvakare.

Asi vamwe muZanu PF vanonzi havasi kufara nedanho rekuti nhengo dzeG40 dzingodzoka mubato.

Vakawanda mubato reZanu PF, vanosanganisira Muzvinafundo Jonathan Moyo, VaSaviour Kasukuwere, Doctor Walter Mzembi, VaPatrick Zhuwao, VaKudzai Chipanga naAmai Grace Mugabe, vakadzingwa vachipomerwa mhosva yekutungamira chikwata cheG40.

Izvi zvinotevera kurwira masimba pakati pechikwata cheG40 ichi nechimwe chikwata cheLacoste, izvo zvakazoita kuti mauto apindire muna Mbudzi 2017 achibvuta masimba kubva kune vaive mutungamiri webato pamwe nenyika, VaRobert Mugabe.

Vamwe vevainzi ndeve chikwata cheG40 vakatiza munyika vachiti vaityira hupenyu hwavo. VaMugwadi vanoti vose vari kuramba vachituka nekunyomba hurumende pamwe nemutungamiri wenyika havasi kuzodzoka mumusangano.

Asi mumwe wevakadzingwa mubato reZanu PF uye vakambobuda munyika, Doctor Walter Mzembi,vanoti chikwata cheLacoste hachigone kudzinga chimwe chikwata sezvo chisina masimba muZanu PF.

Doctor Mzembi vanoti masimba emusangano akatorwa nemauto muna Mbudzi 2017, izvo zvakaita kuti vave ivo varidzi vemusangano pane ino nguva, vachiti mauto ndiwo chete ane simba rekudzora vakadzingwa mumusangano ava kwete chikwata cheLacoste, icho chakangofananawo nechikwata cheG40.

Vanotiwo danho iri rakanangana nekuumba bato reZanu PF pamberi pesarudzo asi bato iri richizorasa vanenge varitsigira nekurisaruda ava kana sarudzo dzangopera kuitwa.

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naDoctor Walter Mzembi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG