Accessibility links

Breaking News

Vakambomiswa Basa muZanu PF, VaGodfrey Tsenengamu, Vanoti Vanotambira Zvakaitwa neBato Ravo


Vaive vatungamiri veZanu PF Youth League, VaGodfrey Tsenengamu naVaLewis matutu.

Vaive munyori anoona nezvegwara remusangano muboka revechidiki reZanu PF Youth League, VaGodfrey Tsenengamu, vanoti vari kutambira danho rakatorwa nebato ravo rekuvabvisa pachigaro chavo.

VaTsenengamu vanoti naivovo vanga vasvika zera rekuti vange vachisiya kuve nhengo yevechidiki mubato iri.

VaTsenengamu vakamiswa kuve nechigaro mubato reZanu PF pamwechete nevaive munyori muboka revechidiki, VaPupurai Togarepi naVaLewis Matutu, mushure mekunge vafumura mazita evamwe vanamuzvinabhizimusi vatatu vavanoti vari kunyanya kuita zvehuwori.

Vanamuzvinabhizimusi vakadomwa nemazita vanoti muridzi weSakunda Holdings, iyo iri kuwanisa nyika mafuta edzimotokari, VaKudakwashe Tagwireyi, sachigaro veGrain Millers Association, VaTafadzwa Musarara, pamwe nemuridzi weGreen Fuel, VaBilly Rautenbach.

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato reZanu PF, VaPatrick Chinamasa, vakazivisa kuti vatatu ava vacharamba vari nhengo dzeZanu PF kwemwedzi gumi nemiviri yavachange vakamiswa kubata zvigaro asi vanozobvumidzwa kukwikwidza zvigaro zvemubato kana vachinge vapedza zvidzidzo zvegwara remusangano kuchikoro cheChitepo School of Ideology.

Asi VaTsenengamu vanoti havasi kuzoenda kuchikoro cheChitepo School of Ideology, uko vakanzi nebato ravo vanofanirwa kunodzidziswa nezvegwara remusangano.

Asi vanoti kana kuri kunzi vanoenda kuchikoro cheChitepo School of Ideology ichi, vanofanirwa kutoendako semudzidzisi, kwete semwana wechikoro, vachiti ruzivo rwavo rwakadarika kare zvinodzidziswa pachikoro ichi.

VaTsenengamu vanoti maonero avo ndeekuti vacho vari kuvati vaende kuchikoro ichi ndivo vakatokodzera kudzidziswa gwara remusangano.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMatutu naVaTogarepi sezvo nharembozha dzavo dzanga dzichinetsa kubata.

Hurukuro naVaGodfrey Tsenengamu
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG