Imwe nhengo yeZanu PF Central Committee, uye vaive shamwari yepedyo yevaive mutauriri weZanu PF vakashaya VaSimon Khaya-Moyo, VaJoseph Tshuma, vanoti bato ravo reZanu PF rakarasikirwa zvikuru nekushaya kwaVaKhaya-Moyo.
VaKhaya-Moyo, avo vaive zvakare nhengo ye Politburo yeZanu PF, vakashaya neSvondo kuchipatara cheMater Dei chiri muBulawayo vave nemakore makumi manomwe nematanhatu ekuberekwa.
VaTshuma vanoti VaKhaya-Moyo munhu ane nhoroondo yakasimba yekurwira kusununguka kwenyika akabva kure nezvematongerwo enyika kubva vachiri kubato reZimbabwe African People’s Union kana kuti ZAPU.
Studio 7 yakundikana kubata vemhuri yemufi kanawo vakafanobata chigaro chemutauriri webato reZanu PF, VaMike Bimha pamwe nemushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi kuti tinzwe kana pave nehurongwa kwekuradzikwa kwavo.
Asi VaTshuma vanoti kunyange hazvo hurongwa hwekuradzikwa kwavo husati hwaziviswa, hapana anopokana nekuti VaKhaya-Moyo igamba renyika.
Facebook Forum