Accessibility links

Breaking News

Central Committee yeZanu PF Yodzinga VaMugabe Mubato neSvondo


Bato reZanu PF rakatora danho rekuti mutungamiri waro, uye vari mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye chinzvimbo chavo nebasa muhurumende mushure mekunge mauto reZimbabwe National Army atora danho rekubvisa matsotsi nenyonga nyonga yange yave kuitika mubato iri.

Mutevedzeri wenyori anoona nezvemutemo muPolitiburo yeZanu PF, VaPaul Mangwana, vati makomiti ebato iri mumatunhu ese munyika akaita misangano neChishanu akatora danho rekuita musangno weCentral Committee neSvondo apo bato iri rinotarisirwa kusarudza mutungamiri mutsva.

VaMangwana vati pasi pebumbiro remitemo yebato vana sachigaro vebato iri vanobvumidzwa kukoka misangano seyakaitika pamwe nekukumbira munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato kuti asheedzere musangano weCentral Committee.

VaMangwana vati misangano iyi yakaikwa kutsigira danho rakatorwa nemauto svondo rino apo akatora masimba kubva kuna VaMugabe.

VaMangwana vati sezvo vanoona nezvekufambiswa kwemabasa, VaIgnatius Chombo, vakachengetedzwa nemauto, mutevdzeri wavo, VaJuly Moyo, ndivo vakatambira chikumbiro chematunhu ese vakakoka musangano weCentral Committee uyo uchaitwa neSvondo na 10 mangwani.

VaMangwana vati chimwe chezvisungo zvakabva kumatunhu ese ndechekuti VaMugabe vasiye basa kubato nehurumende uye bato richasarudza mutungamiri mutsva neSvondo.

Chimwe chisungo chakabuda ndechekuti vaimbovee mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakadzingwa basa nemubato naVaMugabe, vadzorwe mubato.

Chimwe chisungo ndechekuti nhengo dzese dzebato iri dzakadzingwa mubato iri kubva pakongiresi ya2014, vadzorwe mubato pmwe nekuti munyori wemadzimai mubato iri, zvakare vari mukadzi waVaMugabe, Amai Grace Mugabe, vadzingwe mubato iri.

Nhengo dzebato iri dzinotiwo dzinotenda mauto nekusunungura vanhu kubva kuhutongi hwehumbimbindoga hwaVaMugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG