Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoyambira Nhengo dzeZanu PF Kuti Dzingwarire veMasangano Akazvimirira


Mutungamiri wenyika vari mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika vari mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiriri wenyika, vari zvakare mutungamiriri webato reZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vanoyambira nhengo dzebato ravo kuti dzichenjerere masangano akazvimirira munyika.

Vachivhura musangano wePolitburo kumuzinda webato ravo muHarare neMugovera, VaMnangagwa vati nhengo dzebato ravo dzinofanirwa kungwarira masangano akazvimirira nevamwe vasori avo vasingadi kuona Zimbabwe yakasununguka, vachiti masangano aya ari kuhwanda nenyaya yekudzidzisa veruzhinji nyaya dzekuvhota.

Asi murongi wemabasa musangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, unova mubatanidzwa wemasangano anorwira kodzero dzevanhu, VaWilbert Mandinde vati havana chinangwa chekuve hurumende uyewo vanokatyamadzwa nekutya kunoita bato reZanu PF masangano akazvimirira.

VaMandinde vakurudzirawo bato iri kuti rishande pamwechete nemasangano akazvimirira.

VaMnangagwa vatiwo vanoda kuti bato ravo rikwanise kuhwina sarudzo dzema by-elections pamwe nekutora zvigaro zvaive nenhengo dzemapato anopikisa. Vakurudzira nhengo dzavo kuti dzienderere mberi nezvirongwa zvekukwezva vavhoti vachiti vanoda kukunda zvine mutsindo pasarudzo dzema by-election pamwe nesarudzo dziri kutarisirwa 2023.

Vayambirawo nhengo dzebato ravo idzo vati dziri kukonzera nyonga nyonga pamwe nekusawirirana mubato vachiti avo vanoda kuparadza bato iri ndivo vachazoguma vaparara.

VaMnangagwa vakatomisa basa vaimbove gurukota rezvekuchengetedzwa kwenyika, VaOwen Mudha Ncube, avo vainzi vaikonzerawo nyonga nyonga, kunyanya mudunhu reMidlands.

VaMnangagwa vatiwo vari kushushikana nemafashamu emvura kune dzimwe nzvimbo, vakakurudzira vanobatsira veruzhinji munguva yenjodzi dzakadai, veCivil Protection Unit kuti vagare vakagadzirira kubatsira vanenge vawirwa nedambudziko iri.

Vakurudzirawo avo vasina kubaiwa nhomba kuti vabaiwe vachiti nyika ine nhomba dzakawandisa.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG