Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inoti Iri Kushambadza Zvakakwana Hurongwa hweKubayiwa Nhomba yeCovid-19


VaMnangagwa vachibayiwa nhomba yekudzivirira chirwere che Covid-19.

Bato reZanu PF rinoti riri kushanda zvikuru nehurumende mukushambadza mashoko pamusoro pedenda reCovid-19 pamwe nenhomba yekudzivirira denda iri, izvo zvarinoti zvave kuitawo kuti huwandu hwevanhu vave kubatwa pamwe nekufa nechirwere ichi hudzikire zvakanyanya.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti bato ravo riri kushandisa madandemutande akaita seTwitter neFacebook uyewo dzinhepfenyuro dzakasiyanasiyana mukuendesa dzidziso kuvanhu.

VaMugwadi vanotiwo havangati pane kushomeka kwevanhu vari kubaiwa nhomba yeSinopharm yekudzivirira Covid-19, vachiti mitemo inorambidza vanhu kuungana iri kuitawo kuti vanhu vakawanda vasaungana muri kubaiwa nhomba, uyewo kuti veruzhinji havasati vapiwa mukana wekuti vabaiwewo.

Asi nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti hurumende inofanirwa kusimudzira zvakadzama shambadzo nedzidziso pamusoro peCovid-19.

Ngatinzweyi vachitaura naJonga Kandemiiri weStudio 7 uyo atanga nekuvabvunza kuti vanoti kudii panyaya yekuti ruzhinji harwusati rwave neruzivo rwakakwana pamusoro peCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG