Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inodzinga VaChombo, VaMoyo, VaKasukuwere neVamwe Muparamende


Jacob Mudenda

Dare reparamende razivisa kuti bato riri kutonga reZanu PF rakanyorera neMuvhuro kudare iri kuti VaIgnatius Chombo, VaSaviour Kasukuwere naProfessor Jonathan Moyo, VaKudzi Chipanga naMuzvare Mandi Chimene havachamirira zvido zvebato iri muparamende nekudaro vanofanira kudzingwa mudare iri.

Izvi zvaziviswa nemutevedzeri wemutauriri weNational Assembly, Amai Marbel Chinomona.

Amai Chinomona vazivisa nhengo dzedare iri kuti nezuro vakawana tsamba kubva kumunyori wemutemo muZanu PF, VaPatrick Chinamasa, vachiti vashanu ava vakadzingwa mubato reZanu nekudaro havakwanisi kuramba vachimirira bato iri.

Vashanu ava vaive nenzvimbo dzavaimirira nekudaro paramende ichazivisa mutungamiriri wenyika pamwe neZimbabwe Electoral Commission kuti nzvimbo idzi hadzichina vamiriri.

Hatina kukwanisa kutaura naVaChinamasa kuti tinzwe kuti sei vadzinga vashanu ava muparamende iro bato ravo rakadzinga mubato nhengo dzeparamende dzinodarika gumi.

Asi mutevedzeri waVaChinamasa muZanu PF, VaPaul Mangwana, vati bato ravo rakatora danho rekudzinga vashanu ava nekuti ndivo vaifurira vamwe.

VaMangwana vati kunyange hazvo paine dzimwe nhengo dzeparamende dzadzingwa mubato, hadzisi kuzodzingwa muparamende nekuti mutungamiriri webato, VaEmmerson Mnangagwa, vakati hapafaniri kuva nekutsiva nekudaro nyaya dzevanhu ava dzichaongoroorwa zvekare.

Bumbiro remitemo yenyika rinoti nhengo dzeparamende dzinomirira mapato adzo mudare iri uye kana dzikadzingwa kubato, dzinobva dzarasikirwawo nezvigaro muparamende.

Dzimwe nhengo dzedare reparamende dzakadzingwa mubato dzinosanganisira VaPaul Chimedza, Va Walter Muzembi, VaSamuel Undenge, VaShadreck Mashayamombe, Anastasia Ndhlovu naSarah Mahoka.

Aka hakasi kekutanga mapato achidzinga nhengo dzawo muparamende. Muna 2015, MDC inotungamirwa, naVaMorgan Tsvangirai yakatandanisa nhengo dzayo dzeparamende makumi maviri neimwe mushure mekunge dzapesana negwara remusangano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG